Accessibility links

Breaking News

Mapeza Ave Pedyo neKuita Zvakaitwa naPasuwa Kusimudza Mikombe Mina yePSL Mumakore Mana


Norman Mapeza
Norman Mapeza

FC Platinum yawedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro peDynamos zvichitevera mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatambwa nhasi. Izvi zvave kureva kuti murairidzi wechikwata ichi Norman Mapeza anogona kusimudza mukombe uyu kwemakore mana akatevedzana sezvakapedzisira kuitwa naCallisto Pasuwa neDynamos. Pasuwa akasimudza mukombe uyu neDynamos kubva muna 2011 kusvika 2014. Mapeza asimudza mukombe uyu katatu kubva muna 2017, 2018, 2019, muna 2020 hakuna makwikwi akaitwa nekuda kwechirwere cheCvid-19.

FC Platinum yakarova Bulawayo City 1-0 kuMandava Stadium nezuro ndokuwedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro peDynamos kusvika pamapoinzi gumi nerimwechete.

Chikwata chaMapeza ichi chapinda mumapoinzi makumi matanhatu nerimwechete, Dynamos iine mapoinzi makumi mashanu, kwasara mitambo mitanhatu chete kuti makundano aya asvika kumagumo.Asi Dynamos ine mutambo mangwana muNational Sports Stadium neNgezi Platinum Stars iyo iri pachinzvimbo chechitanhatu.

Mutsigiri weDynamos VaLawrence Husaihwevhu vanoti chikwata chavo chirikukanda zvibodzwa zvitatu pavarikurova Ngezi apa.

Asi mutsigiri weNgezi Platinum Stars VaSimbarashe Chituri vanoti varikukunda mumutambo uyu nekuti varikupinda munhandare vasina chirikuvavhundutsa.

Asi Dynamos iri panguva yakaoma mushure mekunge Chicken Inn iyo iri kuvatevera yakunda Hwahwa 1-0 nezuro.

Mukuita izvi, Chicken Inn yadimbura hutungamiri hwe Dembare kusvika pamapoinzi maviri chete.

Chicken Inn yave nemapoinzi makumi mana nemasere, iine zvekare mutambo waisati yatamba neManica Diamonds kuti ienzane pamitambo neFC Platinum pamwe neDynamos yacho.

Vavakidzani veDynamos, Caps United yanga iri muNational Sports Stadium umo yakarohwa 1-0 neYadah.

NeMugovera zvekare ZPC Kariba yakaita mangange 1-1 neBlack Rhinos.

Mune mumwe mutambo Cranbourne Bullets yakaita mangange 1-1 ne Highlanders.

As nhasi, Dynamos haisiriyo yega iri pamusha.

Triangle iri muGibbo neHerentals.

Manica Diamonds irikushanyira Bulawayo Chiefs muLuveve Stadium.

Totarisa mutambo wekiriketi.

Chikwata cheZimbabwe chemaLady Chevrons chirikudzoka kumusha mangwana kubva kuUAE mushure mekukundikana kubudirira kuenda ku2023 World Cup.

Chikwata ichi mangwana acho chirikusangana neThailand mumutambo wavo wekugumisira kurwira chinzvimbo chechitatu kumakundano aive nezvikwata zvisere eWorld Cup Qualifier aya.

Zimbabwe yakabuditswa mumakwikwi aya yarohwa neIreland nemaranzi mana muma semi fainari.

Asi murairidzi weZimbabwe Gary Bent anoti vakadzidza zvakawanda kumakwikwi aya izvo vachashandisa mumakundano anotevera

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG