Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatanidzwa neSerbia Panyika Dziri Kutyora Kodzero dzeVanhu Zvakanyanya


VaJob Sikhala

Rimwe sangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga pasi rose reCivicus rinoti apo Zimbabwe yatarisana nesarudzo dzegore ronouya, munyika maberekera ingwe nekuda kwekumbunyikidzwa kwekodzero dzenhengo dzemapato anopikisa hurumende uye masangano akazvimirira oga.

Zimbabwe yaiswa munyika dzinonzi dzinoda kutarisiswa zvakanyanya dzinosanganisirawo Sri Lanka, Guatemala, Guinea neSerbia.

Sangano iri riri kupomera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mhosva yekushandisa mitemo yakaita sewekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organization Bill kumbunyikidza vemasagano akazvimirira oga uye kuda kuvhara mamwe.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti mutemo uyu hauna kuipa sezviri kutaurwa. Vakati unobatsirawo kuti vemasangano akazvimiririra oga vasashandiswe nevanopfurikidza mwero kufambisa mari dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMnangagwa vachinyora mubepanhau reSunday Mail vakapomera masangano akazvimirira oga mhosva yekushanda nevekunze kuda kupiddugura hurumende yavo. Vakati hapana kudududza pakuvandudza mutemo uyu.

Asi mutauriri wemubatanidzwa wemasangano akazvimirira munyika weCrisis n Zimbabwe Coalition VaObert Masaraure vati vanotenderana neCIVICUS.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mavhiki maviri adarika, hurumende yeAmerica yakatemera zvirango mumwe mukuru muZimbabwe Republic Deputy Commissioner-General Stephen Mutamba zvirango vachivapomea mhosva yekutyora kodzero dzevanhu nekumbunyikidza vanopikisa.

VaMutamba vakabva vabatana nevaive gurukota revasori vakazodzingwa basa VaOwen Mudha Ncube uye vaive mukuru wemauto Brigadier General Anseleem Sanyatwe kutemerwa zvirango neAmerica.

Hurumende iri kuti hayo panyaya yekutyora kodzero dzevanhu iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya uye mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakakurudzira kumusangano kuUnited Nations kuti zvirango izvi zvibviswe vachiti hazvisi pamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG