Accessibility links

Breaking News

Varimi veGorosi kuMhondoro Vochema Chema neKupihwa Zvikwanisiro Zvekurimisa Vave Kutokohwa


Vamwe varimi veku Mhondoro-Mubayira mudunhu reMashonaland West vanoti hurombo hwaramba hwakavanamira seurimbo sezvo vasiri kuwana zvikwanisiro zvakaita sembeu nefotereza izvo zvinopihwa nehurumende vatopedza kurima pamwe nekukohwa.

Varimi ava vanodyara gorosi ravo mumatoro muna Kubvumbi vachizorikohwa muna Chikunguru pasina madiridziro. Asi vanoti chiri kuvadzosera kumashure rubatsiro rwehurumende rwunozouya muna Chikunguru kana Gumiguru vave kutokohwa.

Mumwe murimi wegorosi VaClayton Chakachaka vemumusha waMuyengwa muwadhi 2 pasi paMambo Ngezi vanoti hurombo hwavo huri kuramba huchiwedzera sezvo vari kutadza kurima gorosi ravo zvakanaka nekuda kweskuhaya zvikwanisiro.

Patabvunza kuti sei vagari vachida kungopihwa zvikwanisiro makore ose, VaChakachaka vati kana vasingakwanise kupihwa zvikwereti zvekurima nemabhangi hurumende inofanirwa kuramba ichivabatsira sezvainongoitawo kuvarimi vakawanda.

Izvi zvatsigirwa nemumwe murimi wegorosi Amai Maudy Sibanda.

Sachigaro werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti vanoti vanonzwa zvichemo zvakadai gore rega rega asi hurumende inogara ichivimbisa kugadzirisa dambudziko iri.

Amai Jiti vanoti hurumende inofanirwa kupa ruyamuro kuvarimi vepasi senzira yekupedza hurombo munyika.

Mumwe wevatevedzeri vegurukota rezvekurima VaPeter Haritatos vaudza Studio 7 kuti varimi vose vanofanira kupihwa zvikwanisiro paine nguva.

VaHaritatos vanoti pane rubatsiro rwunobva kuhurumende rwe Presidential Input Program, neNational Enhanced Agriculture Productivity Scheme (NEAPS) rwunofanirwa kuyamura kubatsira munhu wese anoda kurima.

Asi vati varimi vanofanira kugona kuzvimiririra vasinga rambe vachitaririsa kupihwa zvikwanisiro nehurumende.

Nyika inoda gorosi rinosvika matani mazana matatu nemakumi masere ezviuru kana kuti 360 000 . Asi gore rapera varimi vakarima gorosi rinosvika mazana matatu nemakumi matatu kana kuti 330 000 metric tonnes.

Gore rino, munyori mubazi rezvekurima VaJohn Bhasera cakati vari kutarisira kuti inokohwa gorosi rinodrika matani zviuru mazana matatu nemakumi matatu nemasere kana kuti 380. 000.

Izvi vamwe vari kuambira kuti zviinogona kukanganiswa nekudzimwa dzimwa kwemagetsi sezvo kumapurazi gorosi richida kudiridzwa nemvura.

Dzimwe nyanzvi dzezvekurima dzinoti kusarimwa zvakanaka kwegorosi munyika ndiko kuri kuita kuti nyika irambe ichipemhihitenga gorosi kune dzimwe nyika zvinozoita kuti mutengo wechingwa urambe uchingokwira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG