Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kukoshesa Runyararo Kuti Ive neBudiriro


Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika pasi rese kucherechedza zuva rerunyararo kana kuti International Peace day paine kurudziro kubva kune vanorwira kodzero dzevanhu kuti munyika muve nerunyararo

Masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu atumira mashoko kuvatori venhau achikurudzira kuti vezvematongwerwo enyika kunyanya vabatane mukuunza runyararo muZimbabwe.

Sangano reZimbabwe Lawyers rati mashoko eUnited Nations kumusangano wakanangana nerusarura wakaitwa kuSwitzerland mwedzi wapera wakaburitsa pachena kuti munyika hamuna kunyanana kwemarudzi.

United Nations yakati kunyangwe kwapera makore makumi matatu nemashanu kubva hurumende zvayakapomerwa mhosva yekuponda munguva yeGukurahundi, hapana chati chaitwa kugadzirisa dambudziko iri. Izvi sangano reZLHR rati zvinodzosera budiriro yenyika kumashure kana pasina kubatana.

Sachigaro weCrisis Coalition in Zimbabwe VaPeter Mutasa vati muZimbabwe hamuna runyararo

VaEdknowledge Makuvaza vanoshanda neHeal Zimbabwe Trust vatsinharawo vachiti chakakoshesa pakuunza runyararo munyika kugadzirisa zvematongerwo enyika.

VaMakuvaza vatiwo hurumende nemapazi anoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu akadai senational Peace and Reconciliation Commission , neZimbabwe Human Rights Commission , neZimbabwe Electoral commission vashande pamwechete mukugadzirisa zvinonyanyokonzera mhirizhonga munyika.

Mushandi mukuru muchikamu chekubuditswa kwemashoko muZanu PF vaTafadzwa Mugwadi vati sebato vanokoshesa zuva ranhasi huyezve vanokurudzira pasi rese kunyanya kune varikurwisana kuti vakoshese runyararo.

VaMugwadi vatiwo apo nyika irikuenda kusarudzo gore rinouya vanotarisirawo runyararo munyika.

Mutauriri wekomishini inoona nezverunyararo munyika yeNational Peace and Reconciliation Commission VaObert Gutu vati vabatana nepasi rese mukucherechedza zuva rerunyararo iri kuGweru uko vati vanga vachikurudzira kuvaka runyararo munyika

Kune veruzhinji VaGutu vatiwo vanhu vasabvume kushandiswa nevanoita zvematongerwo enyika kupesvedzera mhirizhonga.

United Nations yakabuda nechisungo chekuti zuva rerunyararo richerechedza musi wa21 Gunyana gore roga roga paine kurudziro yekusimbaradza runyararo.

Dingindira regore rino rakanangana nekuunza runyararo vanhu vakabatana pasina kuzvidzana nekuti urirudzi gupi , End Racism, Build peace. Munyori muUnited Nations VaAntonio Guterres mumashoko avo vatiwo nyaya yekuzvidzana kwemarudzi idambudziko guru pasi rese huyewo vakati izvi zvinokonzera kusaenzaniswa kwemikana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG