Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Haana Kusunga Muzvare Mahere Asi Ari Kuda Humbowo Hwezvakaitika Panonzi Pakakandwa Bhambo kuChinhoyi


Muzvare Fadzayi Mahere
Muzvare Fadzayi Mahere

Mutauiriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vari kuramba mashoko ekuti vadaidza nekuda kusunga mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere sezviri kutendererera pamadandemutande.

VaNyathi vaudza Studio 7 kuti Muzvare Mahere vangodaidzwa nemapurisa eCID Law and Order sezvo vatanga kuferefeta nyaya yekukandwa kunonzi nevanopikisa kwakaitwa bhambo pamusangano webato iri kuChinhoyi mavhiki maviri adarika.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, Muzvare Mahere vati vange vadaidzwa kukamba yemapurisa uye vaenda negweta ravo.

VaNyathi vati Muzvare Mahere vange vakavimbisa kuti vachanyora gwaro rezvavakaona zvichiitika musi uyu. Mutori wenhau weStudio 7 Nunurai Jena aMuvare Mahere vapedza awa imwe chete nechidimbu vari kukamba yemapurisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG