Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 21, 2022


Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votarisirwa kutaura pamberi pegungano reUnited Nations General Assembly mangwana ukuwo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira panze pemuzinda wesangano iri muNew York zvichivapomera mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva rerunyararo pasi rose paine kurudziro yekuti munyika muve nekuyanana kwevezvematongerwo enyika nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Mapurisa odaidza mutauriri webato reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere kukamba yavo kuChinhoyi CID Law and Order ukuwo dzimwe nhengo dzebato iri kusanganisira VaJob Sikhala dzasvitsa mazuva zana dziri mujeri kuChikurubi.

Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vokurudzirwa kuti vafererefete huwori hunonzi hwaida kuitwa pakutengeswa kwemacomputers ne malaptops kudare reparamende.

Muchirongwa chedu cheLivetalk Diaspora Forum na8 pm nhasi, tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe nezverwendo rwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuUnited Nations General Assembly.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG