Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMagetsi muSouth Africa Kwononotsa Kufambiswa kweBasa paMuganhu weBeitbridge


Muganhu weBeitbridge kudivi reZimbabwe
Muganhu weBeitbridge kudivi reZimbabwe

Kushaikwa kwemagetsi kuri kugara kuchiitika kudivi reSouth
Africa mudhorobha reBeitbridge kwave kukonzera kunonoka kugadzirirwa
mapepa kwevanofamba kunyanya vemarori anofamba nzendo refu. Kukomba kwaita dambudziko iri kuSouth Africa kwakapa kuti mutungamiri wenyika iyi VaCyril Ramaphosa vatotadze kuenda kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York kune vatungamiri venyika dzepasi rino vakawanda.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro paBindura University
of Science Education VaFelix Chari vanoti kusashanda zvakakana kweBeitbridge Border
Post kunovhiringidza mafimbisirwo ezvinhu pamwe nehupfumi hwenyika
dzekuchamhembe kweAfrica kunyanya Zimbabwe neSouth Africa.

Panyika dzose dzepasi rino, Zimbabwe inonyanya kutengeserana neSouth Africa kuchitevera China neUnited Arab Emirates.

Beitbridge Border Post ndiyo nzvimbo iri pamuganhu wenyika mbiri
inonyanyoshandiswa zvikuru mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Kubvira pakupera kwesvondo pane mitsetse yakareba kudivi renyika
yeSouth Africa paBeitbridge Border Post yemarori anotakura zvinhu
nekuda kwekuenda-enda kuri kuita magetsi munyika iyi. Izvi
zvasiya vanofamba kunyanya vatyairi vemarori ava vakatarisana
nedambudziko guru nekuda kwekunonokerwa kusainirwa magwaro anofanirwa
kusainwa kana vachipfuura pabhodha apa.

Nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzakatarisana nedambudziko guru
rekushomeka kwemagetsi asi pari zvino nyika yeSouth Africa neZimbabwe
ndidzo dziri kunyanya kuremerwa nedambudziko iri.

Mutauriri wekambani yeEskom inove kambani yehurumende yemagetsi
muSouth Africa VaSikonathi Mantshantsha, vabvuma mumhinduro yavatumira
kuStudio 7 paWhatsApp kuti ichokwadi kuti pane dambudziko rekushaikwa
kwemagetsi kwete paBeutbridge xhete asi munyika yose yeSouth Africa.

Vati havana zvimwe zvekutaura pamusoro penyaya iyi kunze kwezvagara
zvichitaurwa nekuti dambudziko rekushomeka kwemagetsi idambudziko riri
kuziikanwa chose.

VaTanatswa Dambuza avo vanopota vachishanda zviri pachena kana kuti
volunteer muChirungu nesangano reZimbabwe Cross-border Association
vanoti zvose zvinovhiringidza kufamba zvakanaka kwezvinhu paBeitbridge
idambudziko guru kune vanorarama nekutenga zvinhu kuSouth Africa
vachizotengesa muno kunyanya madzimai.

Vanoti dambudziko rekushaikwa kwemagetsi rinofanirwa kugadziriswa
munyika dzose dzekuchamhembe kweAfrica.

Mumhinduro yavapawo paWhatsApp VaSiphithi Sibeko mukuru
wezvekufambiswa kwemashoko weSouth Africa Revenue Services vaudza
Studio 7 kuti dambudziko dambudziko riri paBeutbridge rakakonzerwa
nekuti pakanonoka kuendeswa mafuta edhiziri ekuti magenerator
anoshandiswa kana magetsi kusina ashande, asi vatii izvi
zvagadziriswa.

VaDenford Mutashu mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe
Retailers vati kunyange hazvo nhengo dzavo dzakawanda dzichiwana
zvadzinotengesa zvizhinji mukati menyika, pane zvimwe zvinobva kunze.
Vatiwo kusafamba zvakanaka kwezvinhu pabhodha kunovhiringidza
vemabhzimisi ekutengesa.

VaDaniel Kufakunesu vanoshanda muchikamu chezvekufambiswa kwemashoko
muboka reZimbabwe Revenue Authority vati ZIMRA haingakwanise kutaura
pamusoro pezviri kuitika kudivi reSouth Africa.

Vati nekuziva dambudziko rekushikwa kwemagetsi, ivo seZIMRA vanogara
vakagadzirira kushandisa magwenya emagenerator panguva iyo magetsi anenge asiko
kana kuti ari mashoma.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG