Accessibility links

Breaking News

Transparency International Zimbabwe Inoparura Hurongwa hweKutsvakiridza Huwori muMapazi eDzidzo yePasi neyePamusoro


Transparency International Zimbabwe
Transparency International Zimbabwe

Sangano reTransparency International Zimbabwe (TI Z) nezuro rakaparura hurongwa hwekutsvakiridza huwori hunonzi huri mukufambiswa kwedzidzo mumapazi edzidzo muZimbabwe pasi pechirongwa chayo chepagore chekuita tsvagiridzo yehuwori, che Annual State of Corruption Research (ASCR).

Hurongwa uhwu hwakaiswa muzvikamu zviviri, chikamu chekutanga chichitarisa huwori mudzidzo yepamusoro iyo ichange ichitarisa zviri kuitika muzvikoro zvepamusoro, kutichitiwo chikamu chechipiri chakanangana nekufambiswa kwedzidzo yepasi iyo inobata puraimari nesekondari.

Mukuru weTransparency International Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu, vanoti veruzhinji vanoda kupa pfungwa dzavo mutsvakurudzo yebazi redzidzo yepamusoro vachakwanisa kuita izvi kusvika pakupera kwaGunyana, zvoteverwa nekubatanidzwa kwepfungwa dzevanhu dzinenge dzaunganidzwa pamwe nekuongorora zvabuda.

VaChikumbu vavimbisa veruzhinji kuti vape pfungwa dzavo vakasununguka sezvo vanenge vasingade kuti mazita avo aburitswe vachachengetedzwa.

Vanoti sangano vari kuyedza kuona zviri kuitika, pamwe nezvinokonzeresa huwori uhwu uye kuti hungamiswa sei mumapoka aya.

Hurukuro naVaTafadzwa Chikumbu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG