Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kusvika muNew York kuMusangano weUNGA Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvichironga kuRatidzira


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika Va Emmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kusvika muNew York nhasi kumusangano weUnited Nations General Assembly, uyo wakatanga svondo rapera.

Asi VaMnangagwa vari kutarisirwa kutambirwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuronga kuratidzira panhandare yendenge yavachasvikira ye ohn F. Kennedy International Airport, kana kuti JFK, zvichinyunyuta nekwazvinoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu nehurumende yavo.

Vari kutungamira kuratidzira uku, uye vari mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Patriotic Party, VaZvaringeni Samuel Chasi, vanoti mapurisa emuNew York pamwe nematikitivha eboka reFBI vatovapa kare mvumo yekuratidzira kubva nenguva dza 2 masikati kusvika na 4 masikati .

VaChasi vanoti vachange vachiratidzira vari paTerminal 4, uye vanoti uhwu hurongwa hahuna kungonangana nebato ravo chete, asi kuti hwakanangana nevana veZimbabwe vose vari kuona kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika, kushungurudzwa kwevanopikisa hurumende, uye huwori.

Hurukuro naVaZvaringeni Samuel Chasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bepanhau reHerald rinoti VaMnangagwa vakasimuka nezuro manheru uye vari kutarisirwa kutaura kumusangano wechimakumi manomwe nenomwe uyu chero nguva svondo rino.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa emuNew York kanawo veFBI panyaya iyi, asi yaona tsamba inonzi naVaChasi yabva kumapurisa ichivapa mvumo yekuratidzira uku.

Asi sachigaro veZanu PFmudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira-Vusango, vanoti kubvumidzwa kuratidzira kwezvizvarwa zveZimbabwe panhandare yendege yeJFK muNew York chiratidzo chehutongo hwejekerere huri muAmerica, uhwo vanoti hwakangofanana nehuri kumusha kuZimbabwe.

VaCharumbira-Vusango vanoti ivo seZanu PF uye sezvizvarwa zveZimbabwe, vachange varipowo panhandare yendege iyi, kwete kuti varatidzirewo, asi kuti vatambire mutungamiri wavo VaMnangagwa.

Hurukuro naVaRegis Charumbira-Vusango
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG