Accessibility links

Breaking News

Kusaenda kwaVaMnangagwa Kurufu rwaMambokadzi Elizabeth Kwokonzera Mutauro


Zimbabwe Mnangagwa
Zimbabwe Mnangagwa

Mutauriri wemutungamiri wenhyika VaEmmerson VaMnangagwa, VaGeoge Charamba vaudza New Ziana kuti VaMnangagwa havasi kuenda kuBritain kurufu rwaMambokadzi Elizabeth.

VaCharamba vati gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Va Fredrick Shava.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti VaMnangagwa havasi kuenda kuBritain sezvataurwa naVaCharamba sezvo vario kugadzirira kuenda kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reRestoration of Human Rights Zimbabwe VaPanyika Karimanzira vaudza Studio 7 kuti zvange zvakaoma kuti VaMnangagwa vaende kuBritain sezvo vaigona kusungwa vachipomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu.

Vatiwo zvekuti vauye nendege yeruzhinji sezviri kukurudzirwakune vari kuenda kunyika iyi zvinogona kunge zvichivaremera. Britain iri kukurudzira vatungamiri venyika vari kuenda kunyika iyi kuti vasaende nendege dzavo.

Asi vamwe vatungamiri venyika dzemuAficavakaita semutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemutungamiri weNamibia VaHage Geingob vari kuenda kurufu urwu. Vamwe vanoona nezvematongerwo enyika vaudza Studio 7 kuti zvinogona kurevawo kuti Britain yange isiri kuda kuti VaMnangagwa vange vari parufu urwu.

Izvi vanoti zvakaitwa neAmerica mwedzi wadarika apo yakadaidza VaShava zvekare kwete VaMnagagwa pamusangano wekudyidzana uchaitwa muna Zvita nevatungamiri venyika dzemuAfrica.

Hatina kukwanisa kubata muzinda weZimbabwe muBritain kuti ujekese nyaya iyi. Asi pambenge paita mashoko ekuti mutungamiri wenyika VaMnangagwa havana kukokwa azonzi padandemutande remuzinda weBritain munyika ange ari enhema.

Mambokadzi Elizabeth vari kutarisirwa kuradzikwa musi weMuvhuro. Vakashaya kuScotland nemusi weChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG