Bazi rinoona nezvehupfumi muAmerica reU.S. Department of the Treasury’s Office of Foreign Assets Control (OFAC) ratemera zvirango mutevedzeri wemukuru wemapurisa munyika kana kuti Zimbabwe Republic Police’s Deputy Commissioner for Administration VaStephen Mutamba.
VaMutamba vari kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu. VaMutamba vanonzi vari kukanganisa hutongo hwejekerere vachitsigiri kumbunyikidzwa kwevanorwira kodzero dzevanopikisa.
Vanonziwo muna 2020 vaishandisa chirwere cheCovid-19 semukana wekutyora kodzero dzevanopikisa. Hatina kukwanisa kubata gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi ravo.
Asi hurumende inomboti vakuru vayo vari kutemerwa zvirango nekuti vakatora minda kubva kuvachena vachipa vatema. Asi vari kutemera zvirango vanoti vatungamiri ava vari kutonga nedemo.
Muna 2019, VaMutamba vakadomwa nemukuru wemapuriss VaGodwin Matanga pachigaro chekuona mashandiro emapurisa kana kuti "operations" kubva kubazi rekuferefeta mhosva kana kuti Crime. Muna 2021 vakaendeswa muufambiswa kwemabasa kana kuti "administration"
VaMutamba vakambotungamirawo mapurisa kuBulawayo uko vakamboendeswa kumatare mushure mekunge vabvisa mumwe mupurisa VaSamuel Kufandada kuRose Camp kuBulawayo vachivandesa kwaMurehwa.
VaMutamba vati kubatana nevamwe vachangobva mukuiswa pazvirango makore adarika vanosanganisira muzvinabhizimisi VaKuda Tagwirei, vaimbova gurukota rezvevasori VaOwen Ncube.
Facebook Forum