Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 15, 2021


Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vokokwa kurufu rwaMambokadzi Elizabeth kuBritain asi vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vachishora Britain nekuvakoka vachivapomera mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu munyika nekutonga nedemo.

Pazuva rekucherechedza hutongo hwejekerere pasi rose, Zimbabwe Lawyers or Human Rights yokurudzira kuti kodzero dzevatori venhau dziremekedzwe. Tichaita hurukuro neveCCC neZanu-PF.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu onyora tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezvekusungwa kwemumiriri weZengeza West VaJob Sikhala nevamwe. VaSikhala vari mudare parizvino kuyedza kuti vatange kutongwa vaine magwaro akakwana ekuzvidzivirira.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vobatana nevamwe vatungamiri pakutora mhiko kwemutungamiri wenyika yeAngola VaJoao Lourenco.

Muchirongwa chedu cheLive Talk, Women's Round Table tiri kuita hurukuro nezvemabasa ekusimudzira madzimai munyaya dzehupfumi nezvimwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG