Accessibility links

Breaking News

Makanzuru Obhadhariswa Zviuru zveMadhora ekuAmerica Kusangana naVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mamwe masangano anomirira vagari munyika ari kushoropodza zvikuru sangano remubatanidzwa wemakanzuru reUrban Councils Association of Zimbabwe reUCAZ nebazi rezvekutongwa kwematunhu nekubhadharisa makanzuru mari yakawanda kuti vaite musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuHarare International Conference.

Asi VaMnangagwa vacho vaenda kuAngola uko kuri kutoreswa mhiko mutungamiri wenyika iyi VaJoao Lourenco mangwana.

Makanzuru ari kubhadhara mari yakawanda uku vagary vachiti havana mvura yekunwa yakachena uye marara haasi kutakurwa. Godfrey Mtimba anotipa nyaya inotevera.

Munyori mukuru weUCAZ VaLivison Mutekede vakanyora tsamba kumakanzuru kuti abhadharire makanzura kwemazuva maviri mari dzekugara muhotera yeRainbow Towers, uye yekudya, kufambisa pamwe neyekubatsirikana. Pamusoro pezvo kanzura wega wega anonzi ari kunzi abhadhare mari inosvika chiuru chemadhora chekuti apinde mumusangano uyu. UCAZ yakanyora kuti makanzera ose anofanira kuva pamusangano uyu uye ikati mari iiswe mubanka rayo reStanbic.

Izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nevamwe vamiriri vemasangano anomirira vagari vakaita semukuru webasa muMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti avo vati kutambisa mari.

Izvi zvatsigirwa nemutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaObert Masaraure, avo vati makanzura aya aratidza kuti anoda kuguta kwavo chete.

Kugara pahotera yepamusoro yakaita seRainbow kunoda mari inosvika pazana nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica kana kuti US$150 pazuva uye chikafu chacho chinodhura zvakanyanya.

Kanzuru yeMasvingo iri kutumira vanhu gumi nemumwe inoda mari inosvika zviuru zvitatu nemazana matatu emadhora ekuAmerica kana kuti US$3300 ehotera pamazuva maviri uye imwe zviuru gumi nechimwe zvekunyoresa kupinda mumusangano.

Harare inonzi ine makanzura makumi mana nevatanhatu vari kuenda iri kubhadhara mari inosvika zviuru makumi matanhatu nemazana mapfumbamwe kana kuti US$6, 900. Pamari yekunyoresa inoda mari inosvika zviuru makumi mana nematanhatu kana kuti uS$ 46,000

Mukuru webasa musangano reChitungwiza and Manyame Residents Association(CAMERA), VaMarvelous Khumalo vanoti kunyange misangano yakadai yakakosha vanoshushukana nemari dzakawanda dzirikudiwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reZimbabwe Coalition on Debt and Developemnt (ZIMCODD), VaJohn Maketo vashoropodza makanzura vachiti chirongwa chekudya mari dzevagari.

Masanagano aya anoti kana ose akabvisa mari dzemakanzura kuti apinde mumusangano sangano reUCAZ rinogona kusara nemazana zvemari yekuAmerica. Vanenge vasina

Munyori mukuru weUCAZ VaMutekede varamba kutaura neStudio 7 vachiti
itange yavapa munhu akavapa nyaya iyi.

Asi gurukota rezvekutongwa kwematunhu munyika ,VaJuly Moyo, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu unenge uriko uye mutungamiriri wenyika VaMnanagagwa ndivo vanenge munyarikani.

Vachipindura mibvunzo yakatumirwa neStudio 7 VaMoyo vati hakusi kutambiswa kwemari kuita musangano wakadai sezvo vatungamiri vanosarudzwa nevagari vachifanira kusangana nehurumende kuti vakurukure nyaya dzebudiriro nekufambiswa kwakanaka kwemabasa mumadhorobha.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG