Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Osunga, Kurova neKumanikidza Vadzidzi vepaU.Z. Kuvhura maWhatsApp Avo


Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaPaidamoyo Saurombe vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti pane vadzidzi vashanu vekuUniversity of Zimbabwe vasungwa zvakare nhasi zvichitevera kuratidzira kwakaitwa vachida kuti mari yedzidzo yakawedzerwa idzikiswe.

Vakasungwa vanoti Tinotenda Mangana, Hazel Gwande, Tanyaradzwa
Nzvimbo, Tinovimba Musengi na Charles Moyo. Vari kumiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti Idirashe Chikomba, Tinashe Chinopfukutwa na Paidamoyo Saurombe.

NeMuvhuro vamwe vadzidzi gumi nevana vakasungwa asi gumi nevaviri vakasungunurwa nezur. VaSaurombe vati vamwe vaviri vaenda kumatare vakanzi vazodzoke musi wa29 Gunyana.

Magweta anotiwo vadzidzi ava vakatyorerwa kodzero dzavo sezvo mapurisa akavhura nechisimba maWhatsApp avo nemamwe mashoko anotumirwa pambozhanhare vachiti vari kutsvaga humbowo wekuvasungirira. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi remapurisa.

Vachitaura nebepanhau reHerald, mukuru wepaUniversity of Zimbabwe Muzvinafundo Paul Mapfumo vakati vari kuita nhaurirano nevadzidzi panyaya yemari iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG