Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vopomerwa Mhosva Yekusazadzikisa Chivimbiso Chekuwedzera Vashandi Mari


VaMthuli Ncube gurukota rezvemari
VaMthuli Ncube gurukota rezvemari

Vashandi vehurumende vanoti vari kunetseka nekwavanoti kuratidza kusazvipira kwehurumende mukuzadzikisa chivimbiso chayo chekuvawedzera mari dzemihoro mwedzi uno.

Mwedzi wapera, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakaita musangano nevashandi vehurumende vakavimbisa vashandi kuti mari dzavo dzichawedzerwa mwedzi uno kusanganisira dzavanopihwa nemadhora ekuAmerica.

Hatina kukwanisa kubata VaNcube kana gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo kubva nezuro.

Mutungamiri werimwe sangano revashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions kana kuti ZCPSTU Amai Cecelia Alexander vaudza Studio 7 kuti vari kumiririra hurumende vakati vachiri kumbotaurirana vasati vaita hurukuro nevashandi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG