Accessibility links

Breaking News

U.N. Inoti Yooneswa Ndondo neVashandi veHurumende yeZimbabwe Vari Kuda Mavhiza eKuenda kuNew York


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Hurumende inoti vamwe vashandi vayo vave kusvibisa zita renyika nekupota vachinetsa mapazi eUnited Nations vachikumbira kuti vapihwe mukana wekuenda kuNew York kumisangano yakasiyana siyana.

Munyori mukuru mubazi rezvekurima VaJohn Bhasera ndemumwe akanyora tsamba kuvashandi mubazi ravo vachiti United Nations yainge yaudza muzinda weZimbabwe kuNew York kuti haisi kufara nezviri kuitwa nevashandi vehurumende yeZimbabwe zvekuvanetsa nekuda kudaidzwa kumisangano kuAmerica.

United Nations inoti vamwe vacho vakapihwa mavhiza havapinde mumisangano yavanenge vafambira.

Izvi zvinonzi zviri kupedzawo mari yehurumende. VaBhasera vati tsika iyi inofanira kumira. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kana mutevedzeri wavo VaDavid Musabayana kuti tinzwe divi ravo.

Mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations VaAlbert Ranganai Chimbindi vanzi vange vari mumusangano.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nevashandi vehurumende zvinokanganisa chimiro chenyika vakati zvinoratidzawo pachena kuti vashandi vehurumede havana mari zvinopa kuti vade kufamba kuti vawane mari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG