Accessibility links

Breaking News

Dhora reMunyika Roramba Richishaya Simba paMusika weMari yeKunze weRBZ Richienzaniswa neDhora rekuAmerica


Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica, sezvaonekwa nhasi pamusika wemari yekunze wepasvondo webhanga guru renyika weReserve Bank of Zimbabwe Foreign Exchange Auction, apo nhasi dhora rekuAmerica ratengeswa nemadhora mazana matanhatu nemana emunyika, kana kuti US$1.00 is to ZWL$604.00.

Hurumende neR-B-Z vari kuzvirova matundundu vachiti vakwanisa kudzikamisa mutengo wedhora rekuAmerica zvaita kuti zvinhu munyika zvigadzikane.

Svondo rapera dhora rekuAmerica raitengeswa nemadhora mazana mashanu nemakumi masere emunyika, zvichireva kuti svondo rino rakwira mutengo nemadhora emunyika makumi maviri nemana.

Saka kugadzikana kwemari yemunyika kwacho kuripi kana mutengo wedhora rekuAmerica uri kukwira svondo rega rega pamusika wenyika?

Nyanzvi mune zvehupfumi vari zvakare nhengo yekomiti yeR-B-Z Monetary Policy, VaPersistence Gwanyanya, vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kusafamba zvakanaka kwakanga kuripo pakati pemusika mutema nemusika uri pamutemo.

VaGwanyanya vanoti kuramba dhora remunyika richishaya simba pamusika uri pamutemo mucherechedzo wekuti panga paine mukaha wakakurisa pakati pemusika mutema nemusika weR-B-Z, izvo zvavanoti zvichasvika pakuringana kana kuti gedye gedye.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaCallisto Jokonya, avo vanotiwo ichokwadi kuti mutengo wedhora rekuAmerica wadzikira zvekuti musika mutema nemusika wehurumende zvave kuda kutobatana, zvasvitsa pakuti mari yemunyika inetse kuwana, ukuwo yekunze ichinetsawo kuwana.

Asi VaJokonya vanoti chikuru chinofanirwa kuzivikanwa ndechekuti zvigadzirwa zvemunyika hazvina kunyanya kuwanda.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kuramba dhora remunyika richishaya simba kuri kuitika kunogona kunge kuri kukonzerwa neR-B-Z senzira yekuti ikwanise kutsvaira mari yemunyika yanga yawandisa pamusika, izvo zvanga zvosimudza musika mutema.

Saka iko kushaya simba kuri kuita dhora remunyika kune zvakunokanganisawo here? VaKuchera vanoti kuderera kuri kuramba kuchiita huremu hwedhora remunyika kunokonzera kukwira kwemitengo yezvinhu zvinotengeswa mumadhora emunyika.

Asi VaGwanyanya vanoti kusvika kwaita mutengo wedhora rekuAmerica pamadhora mazana matanhatu nemana kunoratidza kuti nyika yave kusvika chaipo pairi kuda pegedye gedye. Vanoti chave kufanirwa kuonekwa chichitika kudzika kwemitengo yezvinhu muzvitoro.

Kunyange hazvo R-B-Z iri kuzvirova dundundu kuti yakwanisa kusunga mbiradzakondo musika mutema, vamwe vanoti dhora rekuAmerica ranga richitengwa nemadhora mazana masere nemashanu emunyika pamusika mutema, vamwewo vachiti mutengo wedhora rekuAmerica pamusika wekuwirirana kwemutengi nemutengesi, kana kuti willing buyer willing seller, wanga wakwirawo kubva pamadhora mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe svondo rapera.

Hurumende yakaisawo mapeni egoridhe, kana kuti gold coins, senzira yekupedza simba musika mutema sezvo vazhinji vane madhora emunyika vachinzi vanga vachimhanyira kumusika mutema kunotenga dhora rekuAmerica senzira yekuchengetedza huremu hwemari dzavo.

Nyaya yezvehupfumi ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG