Accessibility links

Breaking News

Kereke yemuBulawayo Yakaendwa naQueen Elizabeth muna 1991 Yovarangarira


Mutumbi waMambokadzi Elizabeth
Mutumbi waMambokadzi Elizabeth

Vanhu vakawanda muBritain nedzimwe nyika kusanganisira muZimbabwe vari kubatana kuchema Mambokadzi Elizabeth. Mambokadzi Elizabeth veChipiri vari kutarisira kuradzikwa kuWestminster Abbey London nemusi weMuvhuro, Gunyana 19. Nezuro mutumbi wavo watakurwa kubva kuBalmoral, Scotland kwavakafira nemusi weChina kuenda k Edinburgh rwendo rwemakiromita mazana maviri nemakumi masere kana kuti 280 kilometers.

MuZimbabwe nezuro pakaitwa munamamato wekurangarira mambokadzi Elizabeth pakereke yeAnglican yeSt John The Baptist Cathedral vamwe vatendi vachirangarira kushanyira kwakaita mambokadzi kereke iyi. Queen Elizabeth vakapinda svondo pakereke iyi pamwe nemurume wayo mushakabvu Prince Phililip pavaive munyika mugore ra1991.

Amai Veronica Majoni vanove mutendi weAnglican ndemumwe wevanhu vakapinda chechi pakashanya Queen Elizabeth uye vakaudza Studio 7 kuti vanorangaraira chiitiko ichi nemufaro sezvo vakakwanisa kuve mumwe wevanhu vashoma-shoma vakakokwa musi uyu.

Mumwezve mutenderi Amai Isabel Mupita vakakwanisa kupindawo svondo pakashanya Queen Elizabeth vanoti vanoona izvi zvichipa kereke yeSt John The Bapstist chiremera chikuru.

Kunyange hazvo vakange vasipo pakashanya Queen Elizabeth, mumwewo mutenderi VaPatrick Matyatya vatiwo vanoona chiri chinhu chinoyemurika kuti mambokadzi vakashanyira chechi yeSt John The Baptist.

Vati zvisinei nenhoroondo yekupambwa kwaive kwakaita nyika yeZimbabwe nenyika yeBritain, Queen Elizabeth vanorangarirwa neruremekedzo.

Mufundisi wepachechi iyi Reverend Fritz Madida vanpti vakaona zvakakodzera kuti svondo yanezuro vaikumikidze mukurangarira Queen Elizabeth semucherechedzo wekukoshesa kushanya kwavakaita uye nekuti samambokadzi ndivo vaive mukuru wechechi yeAnglican.

Vatiwo macheya akagarwa naQueen Elizabeth namushakabvu Prince Philip ari kuchengetedzwa muchechi iyi semucherechedzo wekurangarira kushanya kwavo vakatiwo shuviro yavo ndeyekuti mwanakomana wavo King Charles III achafunga kushanyirawo chechi iyi sezvakaita mai vake.

Pane bhuku rekunyora mashoko enyaradzo kana kuti book of condolences muChirungu rakavhurwa muchechi iyi mushure mekushaya kwaQueen Elizabeth uye Reverend Madida vati vanotarisira kuti bhuku iri richaendeswa kumhuri yavo mumwedzi waGumiguru. Chechi yeSt John The Baptist yakavakwa mugore ra1910.

Kunyangwe vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kusanganisira mutungamiri wenyika Vaemmerson Mnangagwa vakatumira mashoko enyaradzo, vamwe akauta sevebato reEconomic Freedom Fighters kuSouth Africa vakatumira mashoko kuvatori venhau vachiti hapana chekuchema nekuti rufu urwu rwunovarangaririsa huipi hwehutongo hweBritain muAfrica pasi pamambokadzi apo vanhu vaibatwa senhapwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG