Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe chemaCheetahs Charakashwa Zvekare muMakundano e2023 Rugby Sevens World Cup


Rugby

Chikwata cheZimbabwe chemaCheetahs charakashwa zvekare mumakundano e2023 Rugby Sevens World Cup musi uyo FC Platinum yawedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro petafura yePSL.

MaCheetahs azvamburwa 28-0 neHong Kong, zuva rimwechete vachangobva kudamburwa 31-7 neCanada mumakundano e2023 Rugby Sevens World Cup ayo arikuitirwa muCape Town, South Africa.

Chikwata ichi chiri kuomerwa kunyange mugungano reBowls Section, iro rine zvikwata zvakabuda kare mukurwira mukombe asi zvichirwira kupedza zviri nani pazvinzvimbo zvegumi nenomwe kusvika pachinhanho chemakumi maviri neina.

MaCheetahs ari mugungano rimwechete neGermany, Hong Kong, Jamaica, Portugal, South Korea, Tonga, neUganda pazvikwata zvakundikana zvachose kutora mukombe uyu.

Makundano e2023 Rugby Sevens World Cup, ayo akatanga nezuro, anopera mangwana.

Makundano aya ari kusanganisirawo zvekare mitambo yevanhukadzi asi Zimbabwe haiko mushure mekutadza kubudirira kuendako.

Totarisa mutambo wenhabvu….

FC Platinum yawedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League kusvika pamapoinzi mapfumbamwe, mushure mekunge yarova Hwahwa 2-1 nhasi masikati.

Chikwata chaNorman Mapeza ichi chave nemapoinzi makumi mashanu nemasere, Dynamos iyo iri kutevera, iine mapoinzi makumi mana nemapfumbamwe.

Asi Dynamos ine mutambo mangwana apo iri kushanyira Black Rhinos kuVengere Stadium asi hazvisi pachena kuti vanokunda.

Kurohwa kwanhasi kwasiya Hwahwa iri pasi pasi nemapoinzi makumi maviri chete asi murairidzi wayo Luke Petros achiri nechivimbo kuti vanorarama muPSL.

Mumwe murairidzi ane chivimbo nechikwata chake ndiTaurai Mangwiro weHarare City, iyo iri pachinhanho chechitatu kubva pasi pasi petafura.

Harare City yave nemapoinzi nemakumi maviri nemana mushure mekuita mangange 0-0 neZPC Kariba pamusha muNational Sports Stadium nhasi masikati.

Asi Mangwiro anoti vanofanira kushanda nesimba kuti vabve pachinzvimbo chakaipa chavamire ichi.

Ngezi Platinum iri kuenderera mberi nekukunda kubvira payakapa basa rehurairidzi kuna Takesure Chiragwi mushure mekudzinga Benjani Mwaruwari.

Madamburo yarova Bulawayo Chiefs 1-0, Bulawayo City ndokurohwa 2-1 pamusha neCranbourne Bullets iyo inorairidzwa na Nesbert ‘Yabo’ Saruchera.

Mimwe mitambo iriko neSvondo yakamira yakadai;

Highlanders vs Triangle - Barbourfields

Caps United vs Tenax - NSS, kwotiwo mutambo weCosafa Women’s Championship fainari, South Africa vs Zambia.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG