Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veNyika dzePasi Rose Votumira Mashoko eNyaradzo kuMhuri yaMambokadzi Elizabeth


Mambokadzi Elizbeth
Mambokadzi Elizbeth

Mambokadzi Elizabeth vechipiri vanova vemhuri yehushe vakatonga kwemakore akawanda munhoroondo vakashaya nezuro vave nemakore makumi mapfumbamwe nematanhatu.

Vakatora tsvimbo yekutonga muna 1952 vakatungamira kwemakore anodarika makumi manomwe.

Vakatonga Britain kubva pakapera hondo yechipiri yepasi rino kana kuti World War II. Vakaonawo kuparara kwehutungamiri hwayo munyika dzakawanda dzayainge yapamba kusvika mukupinda nekubuda mugungano reEuropean Union.

Vatungamiri venyika pasi rose Vochema Mambokadzi

Vatungamiri venyika pasi rose vakaita chipatapata kutumira mashoko enyaradzo kumhuri yehushe yekuBritain.

Mambokadzi naAmai Liz Truss
Mambokadzi naAmai Liz Truss

Mutungamiri wehurumende mutsva wenyika iyi Amai Liz Truss vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti vari kushushukana nemashoko erufu avainge vatambira kubva kwavakafira kuBalmoral.

Vakati, “Rufu rwaMambokadzi rwakatyamadza nyika nepasi rose. Mambokadzi vaive dombo hwakavakirwa hwaro hwenyika ino. Nyika ino yakavakwa nekukukura mumakoe avo ekutonga.” Vakaenderera mberi vachiti tsvimbo yekutonga yave kutambidzwa kuna Mambo Charles vechitatu.(His Majesty King Charles III)

Mutungamiri wesangano reEuropean Uniom Amai Ursula von der Leyen vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti Mambokadzi vakaona hondo uye kubatana munyika dzekumawirira uye kushanduka kwakaitika pasi rose. Vanoti munhu ainge asingacheuke kana azvipira kuita chinhu uye aiva asingatirimuke.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakati Mambokadzi vaisangova vehushe asi kuti munhu akapinda munhoroondo acharangarirwa mumakore avakatungamira.

VaBiden vakati vaiva munyaradzi munguva dzekuomerwa uye vakati rufu urwu rwasiya vende kune vakazvarwa vachitungamira vasina mumwe mambo kana mambokadzi wavanoziva.

VaJoe Biden naMambokadzi Elizabeth
VaJoe Biden naMambokadzi Elizabeth

VaBiden vakati mireza yemuAmerica idzikiswe semucherechedzo wekuremekedza Mambokadzi.

Vamwe vatungamiri vakatumira mashoko enyaradzo vanosanganisira mutungamiri wehurumende yeIreland VaMichael Martin.

Mutungamiri wehurumende yeCanada VaJustin Trudeau uye mutungamiri wehurumende yeAustralian VaAnthony Albanese. Mambokadzo Elizabeth ndivo chete vehushe kubva kuBritain vakashanyira Australia semutungamiri.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vakatiwo Mambokadzi Elizabeth vaive sahwira mukuru weUnited Nations uye vakashanyira muzinda wayo kuNew York kaviri.

Britain's Queen Elizabeth naPope Francis, Vatican, April 3, 2014.
Britain's Queen Elizabeth naPope Francis, Vatican, April 3, 2014.

Pope Francis vanotungamira kereke yeRoma vakati vakanzwa kusuwa kukuru nerufu urwu vakati vai kuvanamatira pamwe nemwanakomana wavo Charles ave kutora hushe.

Zvimwe zviri muchinyorwa chino zvabva ku The Associated Press, Reuters ne Agence France-Presse.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG