Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 8, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti vanotsigira zviri kutaurwa nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa zvekuti nyaya yeZimbabwe izeyiwe kuSADC. Asi vanoti hapafanire kuzeyiwa nyaya yezvehutano chete asi kuitwa kwesarudzo dzakachena.

Vamwe vagari vekuShurugwi vochema chema kuti kukirinika yavo hakuna mushonga kunyangwe isingadhure zvayo.

Vamwe vagari vekumaruwa kwaGutu ne kuZaka vokurudzira hurumende kuti itore matanho kune vemakereke anorambidza vatendi kurapisa vana apo chirwere chegwirikwiti chotekeshera nekuuraya vana vakawanda munyika.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekukurudzira vanhu kudzidzira kuverenga kana kuti World Literacy Day.

Nyanzvi dzezvemutemo dzozeya mashoko emudzidzisi wezvemutemo vari zvakare mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, ekuti nzira yakakosha yekugadzirisa nyaya yenhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change gumi nenhanhatu dziri muhusungwa dzinosanganisira mumiriri weZengeze West muparamende, VaJob Sikhala, ndeyezvematongerwo enyika.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk-Womens Round table na 8pm nhasi tiri kutarisa mutemo wewanano kana kuti Marriage Act wakozera mutauro munyika vamwe vachiutsigira vamwe vachipokana nawo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai W hatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG