Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvave kuenda kunyika dzakaita seZambia neSouth Africa kunorapwa sezvo zvinhu muzvipatara zvemunyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo nekushaya mishona uye vakoti navanachiremba vave kuenda kumafuro manyoro. Hurumende yeZimbabwe yave kunetsaba neSouth Africa nezvezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuenda kunorapwa kunyika iyi.
South Africa inoti haichakwanise kutakura mutoro weZimbabwe vamwe vachiti SADC yave kufanira kutarisa Zimbabwe yoonekwa sendonda mudunhu .
Mukuru mubazi reChemical Pathology paUniversity of Zimbabwe Muzvinafundo Hilda Matarira vanoti kunyangwe havo munyika muine makirinika nezvipatara zvakawanda, zvizhinji zvacho zvave kuda kuvandudzwa.
Vanoenderera mberi vachiitiwo kusiya basa kwevashandi vemuzvipatara vakawanda vachienda kuBritain, America, Australia nedzimwe nyika dzakapoteredza kwave kupa kuti vashoma vasara varemerwe nemutoro wekurapa varwere.
Izvi zvatsinhirwa nemukuru weCommunity Working Group on Health VaItai Rusike.
VaRusike vatiwo zvipatara hazvisi kukwanisa kurapa magomarara, itsvo nezvimwe sezvo michina yacho ichigara yakafa.
Vakurudzira kuti mari iri kuenda muhomwe yeHealth Levy kubva kumitero yenharembozha ishandiswa kugadzira kana kutenga michina mitsva.
VaIshe Mwale vanogara kuIreland kuBritain vaudza Studio kuti pane hama yavo yakazonogurwa makumbo aiva anyenga maronda nechirwere cheshuga kuZambia nokuti mari dzavainge vanzi vabhadhare munyika dzainge dzakawandisa.
Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano Dr Peter Mataruse vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano munyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti rimwe dambudziko guru munyika nderekuti hurumende haipe bazi rezvehutano mari yakakwana mubhajeti. Mari zhinji inoshandiswa mubazi iri inobva kumasangano akazvimirira oga kunyanya ekuAmerica.
Bhajeti rakapiwa bazi rezvehutano gore rino zvikamu zvinodarika gumi nezviviri kubva muzana kana kuti 12,7% inova iri pasi pane yakatenderanwa nehurumende dzemuAfrica kuti inofanira kuenda kubazi rezvehutano inova zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15%.
Chibvumirano ichi chinonzi Abuja Declaration chakanyoreranwa muna 2001.
Facebook Forum