Accessibility links

Breaking News

Vana Vakawanda Vodzingwa Chikoro Nekushaya Mari


Vana vechikoro vakawanda munyika vadzoserwa kumba musi wekuvhurwa kwezvikoro sezvo vange vasina kubhadhara mari dzechikoro idzo dzave kusiwa muzvikoro zvakawanda dziri mumadhora ekuAmerica pachimwe chidimbu. Vakuru vezvikoro vanoti havangabhadharise nedhora rekunyika sezvo riri kuramba richishaya simba.

Vabereki vakaita saVaOscar Makova vane vana vari pazvikoro zvakaita sepa Gokomere High, Pamushana, Mutendi nezvimwe vanoti vana vavo havana kutodarikapagedhi rechikoro sezvo vabva vangodzoserwa kumba.

Zvimwe zvikoro zvine mabhodha zviri kuda mari inosvika mazana maviri ekuAmerica kana kuti US$200. Pamusoro pezvo zvikoro zviri kuda rimwe zana nemakumi mashanu remadhora richibhadharwa nemari yemunyika asi nemutengo wedhora pamusika wemubhanga kana kuti bank rate.

Zvimwe zvikoro zvakazvimirira kana kuti maPrivate schools zvinopinda vana veshoroma zvakaita sana Kyle College, Junior School pamwe nana Riverton zviri kubhadharisa nemadhora ekuAmerica chete dzimwe nguva mari yacho ichidarika churu chemadhora kana kuti 1000 US Dollars pakotoro.

Vamwe vabereki vakaita saAmai Violet Mutigwini vanoti kubhadhariswa mari yekunze kutyora mutemo sezvo hurumende isingazvitenderi.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi munyika VaTaungana Ndoro, vati zvikoro zviri kumanikidza vabereki kubhadhara mari yekunze zviri kutyora mutemo wenyika.
Mashoko aVaNdoro anoouya mushure mekunge munyori webazi rezvemari munyika VaGeorge Guvamatanga svondo rapera, vanyorera mapazi ose ehurumende pamwe nemakanzuru tsamba vachivazivisa kuti kubhadharisa vanhu mari yekunze pamabasa akasiyana siyana kutyora mutemo wenyika.

Asi hurumende inonzi iri kubhadharisawo zvimwe zvinhu zvakaita semagwaro ekufambisa uye mafuta ekufambisa dzimotokari nemadhora ekuAmerica.
VaNdoro vaenderera mberi vachiti mutemo wenyika haubvumidzi kuti vana vadzingirwe chikoro nyaya yekukundikana kubhadhara mari yechikoro.

Apo vabereki vari kuchema chema nenyaya dzemari dzezvikoro, vamwe vadzidzisi vanoti vakundikana kuenda kumabasa nhasi nekushaiwa mari dzekufambisa sezvo mari yavanotambira iri shoma.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa, reAlamgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe(ARTUZ)VaObert Msaraure vati vadzidzisi vakawanda havana kuenda kubasa nhasi.

Asi hurumende yati vadzidzisi vakawanda vaenda kumabasa ichiti vamwe vatosvika nekudzidzisa vana sezvo kotoro ino isina kuratidzira kwavhiringa kuvhurwa kwezvikoro. Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakavimbisawo kuwedzera ari vashandi vehurumende kutanga mwedzi uno.

VaMasaraure vakurudzira hurumende kuti idzose mihoro yevadzidzisi kumari yekuAmerica yavaitambira muna 2018 kuti vasakundikane kuenda kubasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG