Chikwata cheDynamos charamba chakasonana neFC Platinum panguva iyo Chicken Inn irikudonha zvishoma nezvishoma.
Dynamos yarova Harare City 2-1 ndokuramba iri pachinhanho chechipiri pasi peFC Platinum yakasiiwa nemapoinzi matanhatu asi yatungamira Chicken Inn nemapoinzi matatu.
Dembare yave nemapoinzi makumi mana nemasere panguva iyo Kugona Kunenge Kudada nezuro yakapinda pamapoinzi makumi mashanu nemana.
Chicken Inn iri kuratidza kuti irikubuda zvishoma nezvishoma muhondo yekurwira mukombe mushure mekurohwa 2-1 neNgezi nezuro.
Murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya anoti kunyange hazvo varikutamba zvakanaka havasati vasvika pavarikuda chaipo.
Svondo rino Dembare irikushanyira Black Rhinos kuVengere Black Rhinos iyo irikutambawo zvakanaka ichirairidzwa naStix Mtizwa
Kukundwa uku kwasiya Harare City yatarisana nedambudziko guru rekurwisana nekuenda munhabvu yepasi pasi yeDivision One,
Asi murairidzi wavo Taurai Mangwiro ane chivimbo kuti vachapunyuka kubva pavari apa.
Mimwe mitambo yanhasi yapera seizvi ….
Bulawayo Chiefs 1 Rhinos 0
Tenax 0 ZPC Kariba 2
Triangle 3 Byo City 0
Kwapera mitambo yanhasi
Zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi…
FC Platinum. 54
Dynamos 48
Chicken Inn. 45
Manica Diamonds. 36
Zvikwata zvina zviri pasi pasi
Harare City. 22
Bulawayo City 21
Tenax. 21
Hwahwa 19.
Facebook Forum