Accessibility links

Breaking News

Makanzura eCCC muKanzuru yeGweru Oramba Kutambira Danho reKupa Ruremekedzo rwePamusoro rweGuta reGweru Kuna VaMnangagwa


Guta reGweru

Danho raMeya veGweru rekuda kupa ruremekedzo rwepamusorosoro kumunhu anokosha kana kuti Freedom of The City kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, rokonzeresa mutauro, richipikiswa nemakunzura ebato reCCC.

Makanzura ebato reCitizens’ Coalition for Change mapfumbamwe akaramba danho rekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vapiwe ruremekedzo rweFreedom of The City urwu pakaitwa musangano wekanzuru yeGweru nemusi weChitatu.

Meya weguta VaHamutendi Kombayi, vebato reMDC inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora, nemamwe makanzura manomwe vebato iri ndivo vaive vatungamira kuti danho iri ritorwe vachiti VaMnangagwa vaikodzera kupiwa ruremekedzo urwu.

Mumashoko avo kuvagari kuburikidza nedandemutande reWhatsApp, VaKombayi vashora kupikiswa kwedanho iri vachiti idanho risingafanirwe kupinzwa zvematongerwo enyika mukati uye ravanofunga kuti raigona kubatsira guta kuti ribude mumatambudziko arakatarisana nawo.

Asi VaJosiah Makombe vanovewo kanzura uye vari sachigaro webato reCCC mudunhu reMidlands, vaudza Studio 7 kuti vakapikisa danho iri nekuti zvikonzero zvakataurwa naVaKombayi nevamwe vavo hazvina maturo.

VaCharles Mazorodze, vanowe mukuru wesangano reGweru Residents Forum, rimwe remasangano anomirira vagari, vati makanzura haafanirwe kupedzera miseve kumakunguvo vachikakavadzana panyaya dzezvematongerwo enyika vachitadza kuita mabasa avanotarisirwa kuita nevagari.

Taedza kunzwa kubva kugurukota redunhu reMidlands, VaLarry Mavhima, panyaya iyi asi vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

VaVincent Chakunda mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvekutongwa kwematunhu nebudiriro.

Vaudza Studio 7 kuti havawoni kupa kana kusapa ruremekedzo rwakadai zvicipedza matambudziko akasiyana-siyana akatarisana nemakanzuru munyika.

Munguva yapfuura kanzuru yeguta reBulawayo yakaramba kuchinja zita remumwe mugwagwa wemuguta iri kuti unzi E.D. Mnangagwa Road.

Vamwe vanoti kusashanda zvakanaka kwemakanzuru munyika kuri kukonzerwa nekupindira kwehurumende yeZanu PF ukuwo hurumende ichiti izvi zviri kukonzerwa nemakanzura emapato anopikisa anotungamira makanzuru aya ari kutadza kuita basa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG