Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBotswana, VaMasisi, Vanovhura Harare Agricultural Show Vachiti Covid-19 Yakaratidza Zinyenyeke Riri munyika dzeSADC neAfrica


Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Eric Keabatswe Masisi
Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Eric Keabatswe Masisi

Mutungamiriri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vavhura zviri pamutemo Harare Agricultural Show vachiti Covid-19 nehondo yekuUkraine zvakaratidza zinyenyeke riri munyika dzeSADC neAfrica yose panyaya dzekurima.

Vati zviviri izvi zvakapinza nzara uye yave nguva yekuti nyika dzemuAfrica dzishandise michina yechizvinozvino kusimbaradza mabasa ekurima kuti pasave nenzara kunyange pakaita matambudziko akaita seCovid-19.

VaMasisi vati Zimbabwe neBotswana dzinofanira kusimbaradza kudyidzana kwadzo panyaya dzekurima vachiti Zimbabwe inyanzvi pakurima zvirimwa zvakaita sechibage, ukuwo nyika yavo ine hunyanzvi panyaya dzekugadzira mishonga yezvipfuyo yakaita seyekurapa zvirwere zvakaita se newcastle ne foot and mouth.

Vatiwo Zimbabwe ine nyanzvi munyaya dzekurima uye dzimwe dzacho dzave kutoshanda munyika yavo.

VaMasisi vati hurumende dzenyika mbiri idzi dziri kushanda pamwe kurwisa dambudziko rekubiwa kwezvipfuyo pamuganhu wenyika mbiri idzi iro rakonzera mutauro.

Nyanzvi munyaya dzekurima uye vari nhengo yeZimbabwe Agricultural Society, Va Ivan Craig vaudza Studio kuti vanowirira nemashoko aVaMasisi ekuti Covid-19 nehondo yeUkaraine zvakaburitsa zinyekenyeke panyaya dzekurima muAfrica.

Vati izvi zvinofanira kusvinudza nyika dzemuAfrica kuti dzinofanirwa kuzvirimira chikafu chakakwana nekuti dzine zvese zvinodiwa kuita izvi.

Zvichakadai Zimbabwe National Army ndiyo yatora mubairo wezviratidzwa zvakakunda vese pashowo yegore rino.

VaJonathan Musoki ndivo vawana mubairo wekutanga pavarimi yefodya.

Vamwe vawana mibairo vanosanganisira Amai Priscillar Marauka, avo vawana wekuve murimi wepamusorosoro, kana kuti Best Agro Produce Farmer, purazi re Zvikomborero richiwana mubairo wekutanga pavarimi vemombe. VaConcern Mutasa vekuZaka ndivo vawana mubairo wekutanga pavarimi vePfumvudza uye vapiwa mubairo wetirakita.

VaMutasa vanoti vafara nekukunda kwavaita vachiti kurima nepfumvudza hakurwadzi sezvinofungidzirwa nevakawanda.

Aka ndekutanga mukati memakore maviri veruzhinji vachibvumidzwa kupinda mushowo iyi nehuwandu hwavo zvichitevera kurerutswa kwehurongwa kwekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Kunze kwevarimi nemakambani emuno, pane makambani kubva kunyika nhanhatu dzinosanganisira Botswana, South Africa, Malawi neIndia ari kuratidzira pashowo iyi iyo inopera neMugovera.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG