Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Gunyana 02, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vanovhura zviri pamutemo Zimbabwe Agricultural Show yegore rino inove yechizana negumi nembiri (112th edition).

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi voshoropodzwa zvakanyanya nevanopikisa pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe nemuBotswana nekutsigira kwavo zviri pachena mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nebato riri kutonga reZanu PF.

Zimbabwe Media komishini inoti apo nyika yatarisana nesarudzo dza2023, vatori venhau vanofanirwa kuita basa ravo nemazvo vachiti izvi zvinobatsira muhutongi hwejekerere nekusimudzira nyika.

Pfungwa yameya veguta reGweru yekuda kupa ruremekedzo rweguta kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, yoshoropodzwa zvikuru nemakanzura ebato re Citizens’ Coalition for Change.

Chikwata chevechidiki vekuZimbabwe chopinda musangano wemazuva maviri we World Economic Forum we Global Shapers Annual Summit ku Geneva-Cologny, kuSwitzerland.

Vamwe vagari vemudunhu reMashonaland West vorarama nekutengesa uswa hwekupfiririsa dzimba, danho rinokurudzirwa nebazi rekuchengetedzwa kwenharaunda reEnviromental Management Agency -EMA, senzira yekuderedza kupararadzwa kwemasango nemoto.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm, tiri kutarisa nezvekuvhurwa zviri pamutemo kweZimbabwe Agricultural Show nemutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi. Tichatarisawo zviri kuitika muSouth Africa uko chikwata che Operation Dudula chiri kurambidza zvizvarwa zvekunze kurapwa munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG