Accessibility links

Breaking News

TelOne Yoparura Hurongwa hweKushandisa Nharembozha Pakuona Makuriro eZvirimwa


Kambani yenhare yeTelOne nhasi yaparura chirongwa che TelOne Crop Monitoring icho chichaita kuti varimi vakwanise kuona kuti zvinhu zviri kufamba sei kuminda yavo vachishandisa nharembozha dzavo.

Vachiparura chirongwa ichi kuHarare Agricultural Show, mukuru anoona nezvekushambadza muTelOne, Amai Maureen Chirambaguwa vati chirongwa chavaparura nhasi hachisi chekufona asi kuti chinoita kuti murimi akwanise kuona kuti zvirimwa zvake zvave kuda kudiridzwa here kana kuti kwete kunyangwe ari kure.

Vatiwo chirongwa ichi ichi kana kuti humhizha kana kuti Application iyi inoratidzawo huwandu hwemvura kana fortireza inenge yave kudiwa nezvirimwa pamwe nekuratidzawo zvirwere zvinenge zvabata zvirimwa.

Amai Chirambaguwa vanotsanagurawo kuti humhizha uhu inoratidzawo mamiriro ekunze kwemazuva gumi nemashanu.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa muTelOne, Engineer Lawrence Nkala vati chirongwa ichi chinoshandisa michina yeSatelite, chichabatsirawo, hurumende, mabhanga pamwe nemakambani eInsurance kuti vaone kuti varimi vanenge vachitaura chokwadi here pahuwandu hwegoho ravo.

Mukuru werimwe rimwe remasangano anomirira varimi reZimbabwe aFarmers Union, VaPaul Zakaria vaudza Studio 7 kuti chirongwa cheTelOne chakakosha vachiti zvekushandisa michina yechizvinozvino pakurima ndizvo zvinofanira kuitwa nemurimi.

Asi vati chinogona kuvhiringidza zvinhu zvakaita sehurongwa hwaparurwa neTelOne kudhura kwekushandisa nharembozha kana kuti data.

Chirongwa ichi hachisi chemahara uye vanoda kushandiss chirongwa ichi vano bhadhariswa madhora maviri kuti hectare imwe chete iongororwe.

Zvichakadai mutungamiriri weBotswana VaMogokwetsi Masisi vasvika muHarare nhasi umo vari kutarisirwa kuvhura Harare Agricultural Show mangwana.

VaMasisi vachitaura nevatori venhau pavasvika muZimbabwe vakurudzirwa kubviswa kwezvirangano zvakatemerwa nyika enyika dzekumarira dziri kupomera vatungamiri venyika mhosva yekutonga nedemo.

Hurumende inoti yakatemerwa zvirango nekuti yakatorera varimi vachena minda ichipa vatema

Zviuru zvevanhu zviri kupinda mushow yegore rino zvichitevera kurerutswa kwehurongwa hwekudzivirira Covid-19

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG