Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 31, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo nyaya yekushungurudzwa nezvizvarwa zvenyika iyi iri kuenderera mberi kunyangwe hurumende dzenyika mbiri idzi dziri kuti dziri kutaurirana.

Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu voshushikana zvikuru nenyaya yekusungwa kwevanopikisa vachinyiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mwanakomana wevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaMpekezela Mphoko, Siqokoqela Mphoko anoti achazvipira kumapurisa kwaakatiza nezuro achipomerwa mhosva yekubata mwana ane makore gumi nemaviri chibharo.

Vechidiki vebato reZanu-PF vopomerwa mhosva yekuvhiringidza musangano wekomiti yeparamende uri kuzeya mutemo wekuparurazve chirongwa cheNational Youth Service.

ZUPCO yowedzera mari dzemabhazi asi vakawanda vachiti kambani iyi iri kutatarika kutakura vanhu vose nekuti mabhazi mashoma.

Mutungamiri webato reMDC VaDouglas Mwonzora vokurudzira nhaurirano kupedza matambudziko atarisana nenyika munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum, tine hurukuro nenhengo yeZanu-PF VaPupurai Togarepi avo vakaita musangano nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa kumucheto wemusangano wePan African Parliament. Musangano uyu wakazeya nyaya dzezvematambudziko ari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk, Diaspora Forum, tiri kutarisa nyaya yekusagadzikana kwakaita zvinhu kuSouth Africa kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvikuru zvine magwaro ekushanda eZimbabwe Exemption Permits osvika kumagumo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG