Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 30, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Chirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu pabhiri rekudzora chirongwa cheNational Youth Service chasiirwa panzira kuBulawayo nashi mushure mekunge vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF varwisa mumwe ange achipa pfungwa dzavange vasingawirirane nadzo.

Pazuva rekucherechedza vanhu vanopambwa votsakatitswa reUN Day Against Enforced Disappearances, Zimbabwe Lawyers for Human Rights iri kukurudzira hurumende kuti iferefete nyaya dzinenge dzichipomerwa vasori nevamwe vanoshandira hurumende dzekupamba vanhu.

Tine hurukuro negweta remhuri yaVaLevy Musendo avo vanonzi vakapondwa paState House muHarare nevanodzivirira mutungamiri wenyika vePresidential Guard.

Nyanzvi mune zvehupfumi dzopa maonero adzo pamusoro pegwaro reongororo rakaburitswa nekomiti yebhanga guru renyika reRBZ inoona nezvemafambisirwo emari, kana kuti Monetary Policy Committee, iyo inoti zvirongwa zvebhanga guru zvekudzikamisa hupfumi hwenyika zviri kushanda, uye inflation yepamwedzi yadzikira.

Mutungamiri wenyika yeAngola VaJoao Lourenco ndivo vakakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa svondo rapera vanopikisa veUNITA vachiti dzakabirirwa.

Muchirongwa chedu cheLive Talk, the Connection na8 pm nhasi, tiri kuita hurukuro nevechidiki nezvechirongwa chekuvakurudzira kuti vanyorese kuvhota uye nyaya yemhirizhonga yaitika kuBulawayo pange pachida kuzeyiwa bhiri reNational Youth Service nekomiti yeparamende nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG