Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yokunda Musarudzo dzekuGokwe Kabuyuni Asi Paine Mutauro


Mnangagwa & Chamisa

Komisheni inoona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission yaburitsa padandemutande rayo reTwitter zvakabuda musarudzo dzekuGokwe Kabuyuni dzakaitwa nezuro.

Vakakunda musarudzo idzi ndiVaSpencer Tshuma veZanu-PF vainge vaine mavhoti zviuru gumi nemazana manomwe nemakumi maviri nevanomwe kana kuti 10 727. VaConstin Muguti vebato reCitizens Coalition for Change vakawana mavhoti zviuru zvina nemazana masere kana kuti 4,800.

Asi veCCC nevanorwira kodzero dzevanhu vari kugunun’una kuti mhirizhonga yakaitika munzvimbo iyi vatsigiri vebato rinopikisa vachiti vairohwa nevatsigiri veZanu-PF nevasori inopa kuti sarudzo dzisatambirike zvakanaka.

Vanotui mutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa vakarwiswa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF ava nemusi weChina. Vamwe vatsigiri vebato iri nevatori venhau vakakuvadzwa.

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti veCCC havadi kukundwa musarudzo.

Mutevedzeri wemutauriri webato reTripple C VaOstallos Siziba vaudza Studio 7 kuti Zanu PF iri kukunda nekuda kwemhirizhonga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG