Mutambi wetsiva yevanhukadzi aita mukurumbira Kudakwashe Chiwandire aregedza basa rake rekuruka vanhu misoro nekuti tsiva yamupa hupenyu hutsva.
Chiwandire uyo ane bhande reWorld Boxing Council (WBC) anoti paasvika netsiva hapachaita kuti aonekwe akamira munzira kusheedzera kutsvaga vanhu vekuruka musoro. Anoti tsiva yamupa hupenyu hutsva uho washandura zvikuru magariro ake.
Parizvino, Chiwandire atamba mitambo misere ndokukunda mumitambo mishanu, mina yacho achipunzira vamwe vatambi pasi.
Asi mbiri yakanyanya yakauya apo akatora bhande reWBC rehuremu hwebantamweight arova Catherine Phiri wekuZambia uyo ane zita rakasimba pasi rese.
Izvi zvakamupa mukana wekusangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakamutenda nemari inoita iyo zviuru gumi nezvishanu zvemadhora ekuAmereka.
Anoti vemumhuri make havasi kushamisika nezvaari kuita mutsiva nekuti kurova seane mangoromera kwakatanga kare kare achiri mudiki.
Maneja wake Clyde Musonda uyo anove zvekare murairidzi wake anoti Chiwandire ane matambiro akasiyana nevazhinji ayo anofunga kuti achamusvitsa kure.
Chiwandire uye ane vana vaviri ari kukurudzira vanhukadzi kunyanya avo vanochengeta vana vega kuti vasaore moyo kana zvinhu zvaramba asi kuti vaedze zvimwe.
Parizvino, Chiwandire ari kugadzirira kudzivirira bhande rake reWBC na Zulina Munoz wekuMexico.
Bhande raanaro ndere sirivha uyezve rechipiri muhuremu muWBC asi chinangwa chake kutora regoridhe iro rina Yemilethi Mecardo wekuMexico zvekare.
Facebook Forum