Accessibility links

Breaking News

VaDos Santos Varadzikwa Nhasi Vopinda Muchikwata cheVatungamiri veNyika dzemuAfrica Kusanganisira VaMugabe Vakafira Kunyika Dzakabudirira


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nhasi kuLuanda, Angola nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica parufu rwevaive mutungamiri wenyika iyi, VaJose Eduardo dos Santos avo vakashayikira kuSpain musi wa 8 Chikunguru.

VaDos Santos varadzikwa nhasi pazuva ravangadai vasvitsa makore makumi masere. Vamwe vatungamiri vange vari parufu apa vanosanganisira VaCyril Ramaphosa, South Africa, VaFelix Tshisekedi, DRC, uye mutungamiri wePortugal VaMarcelo Rebelo de Sousa.

Ndege yakabva kuSpain yakatakura mutumbi waVaJosé Eduardo dos Santos
Ndege yakabva kuSpain yakatakura mutumbi waVaJosé Eduardo dos Santos

VaDos Santos vari pakati pevatungamiri venyika dzemuAfrica vakafira kunyika dzekumawirira nekumabudazuva vachirapwa sezvo zvipatara zvakawanda munyika dzavo nemuAfrica zvisina zvikwanisiro.

Vamwe vatungamiri vakafira kunze vanosanganisira VaRobert Mugabe vakafira kuSingapore, VaLevy Mwanawasa vekuZambia vakafira kuFrance, VaMichael Sata vekuZambia zvekare vakafira kuBritain, VaMeles Zenawi vekuEthiopia vakafira kuBelgium, VaUmaru Musa Yar’Adua vekuNigeria vakafira kuSaudi Arabia.

Ko chii chinopa kuti vatungamiri venyika dzemuAfrica vanorapwa kunze kana vachinge varwara uye dzimwe nguva kufa vari kunyika dzakabudirira?

Vaimbova gurukota rezvehutano munguva yehurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorera vaudza Studio 7 kuti vatungamiri venyika dzemuAfrica havaendese mari kumapazi ezvehutano sezvinosungirwa nechibvumirano chavakanyorerana cheAbuja Declaration.

Chibvumirano ichi chinokurudzira hurumende kuti dziendese zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvebhajeti kubazi rezvehutano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG