Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 26, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo harisi kuzobvuma kupinzwa mukuita zvemhirizhonga kunyange hazvo riri kuedza kuzvuzvurudzwa nemabasa ari kuitwa neZanu PF iyo vanoti iri kuda kuti munyika musagadzikane kuitira kuti mudzikwe mutemo we State of Emergency.

Mapato eZanu PF neCitizens Coalition oita gadziriro dzekupedzisira pamberi pesarudzo yeBy-Election iriko mangwana kuGokwe-Kabuyuni vose vachitarisira kukunda musarudzo iyi.

Bato riri kutonga muAngola re People’s Movement for the Liberation of Angola, kana kuti MPLA rotarisira kutonga zvakare kwemamwe makore mashanu zvichitevera kutungamira kuri kuita vakakwikwidza vakamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika vari zvakare mutungamiri wenyika, Va Joao Lourenco apo mavhoti anodarika zvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe averengwa kare.

Musangano wenyika dzekuchamhembe kwe Africa, weSouthern African Regional Climate Outlook Forum (SARCOF), uyo wakapera nezuro, unoburitsa mamiriro ekunze emwaka wekurima wa2022 - 2023.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vari kuramba kuendesa chibage chavo Grain Marketing Board-GMB vachiti vari kupihwa mari shoma votengesa chibage ichi kuvanhuwo zvavo mumugwagwa mukuru unobva kuHarare uchienda kuChirundu vachiti izvi zvinovawanisa mari yakawanda kudarika inobhadharwa neG-M-B.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk nhasi tiri kuenderera mberi tichitarisa nyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo inonzi yakwira mumatunhu akawanda mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira vachiti kana dambudziko iri rakasagadziriswa richakanganisa sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG