Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 24, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Gurukota rinoona nezvevechidiki, Amai Kirsty, Coventry vanoti hurumende ichamutsiridza zvakare chirongwa cheNational Youth Service gore rinouya asi chichange chakasayina nechirongwa chakamiswa muna2007 icho chinonzi chaita zvematongerwo enyika nekutyora kodzero dzevanopikisa kunyanya.

Bato rinopikisa muSouth Africa reEFF rokurudzira kudzingwa basa kwemukuru munyaya dzezvehutano muLimpopo kana kuti Member of the Executive Council Amai Phopi Ramathuba avo vane vhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande vachishora mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekusagadzirisa zvipatara munyika zvopa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviende kunorapwa kuSouth Africa zvichishandisa mitero yehurumende yekuSouth Africa.

Masangano akazvimirira oga oendesa tsamba yenyunyuto kudare reparamende achida kuti hurumende isapasise bhiri rekuvandudza mutemo wemashandiro avo kana kuti Private Voluntary Organization Act zvinonzi uchapa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munyika maberekera ingwe sezvo nhengo dzaro dzave kurwiswa nebato reZanu-PF mamatunhu akawanda asi mapurisa akapeta maoko. Mapurisa anoti anosunga vanhu kana mhosva dzamhan’arwa ukuwo bato reZanu-PF richiti vari kuita mhirizhonga ngavasungwe.

Bato reZanu-PF roita musangano waro wePolitiburo muHarare nhasi.

Bandiko rinoona nezvekuchengeyedzwa kwenharaunda reEnvironmental Agency rinoti riri kushushikana nekupiswa kwemasanga zvisina mwero zvinonzi nevarimi zviri kukanganisa nyaya yedzemafuro ezvipfuwo pamwe nezvirimwa. Kupiswa kwemasango kunonzi kwakakonzerawo kufa kweumwe mushandi wepa nerimwe purazi mudunhu reMashonaland West.

Muchirongwa chedu cheLivetalk Diaspora chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika, tiri kutarisa nyaya yezvizvarwa zveZimbawe zviri muSouth Africa zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits osvika kumagumo muna Zvita. South Africa inoti ichamanikidza zvizvarwa izvi kudzokera kuZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG