Accessibility links

Breaking News

VaEgypt Dzinemunhenzva Voendesa ZEC kuMatare neNyaya Yekuwedzera Mari Yekukwikwidza Musarudzo


Amai Priscilla Chigumba, sachigaro weZimbabwe Electoral Commission
Amai Priscilla Chigumba, sachigaro weZimbabwe Electoral Commission

Mutungamiri webato rinopikisa reFORCES of the Liberation Organisation of African National Party (FLOANP), VaEgypt Dzinemunhenzva, mumiriri weHarare North mudare reparamende VaRusty Markham uye vanorwira kodzero dzevanhu VaTapiwa Chiringa vaendesa Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kumatare vachivapa maziva matatu ekubvisa mari dzavakawedzera dzekuti vanhu vakwikwidze musarudzo dzegore rinouya.

Vatatu ava vanoti zvakaitwa neZEC hazvisi pamutemo uye vari kumiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights. Asi mutauriri weZEC VaJasper Mangwana vakaudza Studio 7 kuti kuwedzera kwavakaita mari kuri pamutemo.

Anoda kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika anonzi abhadhare zviuru makumi maviri zvemadhora eluAmerica.

Munhu anenge achida kukwikwidza musarudzo dzekuva nhengo yedare reparamende anonzi abhadhare chiuru chimwe chete chemadhora.

Izvi zviri kushorwa nevakawanda vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vachiti zvinopa kuti varombo vatadze kupinda musarudzo.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG