Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoti VaSikhala neVamwe Vagare Mujeri Kusvika Muna Mbudzi Pachatanga Kutongwa Nyaya Yavo


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Dare ramejastiriti nemusi weMuvhuro rakaramba zvakare kupa mukana wekubvisa mari yechibatiso kumumiriri weChitungwiza West mudare reparamende VaJob Sikhala nemumiri weZengeza North VaGodfrey Sithole. Vaviri ava inhengo dzebagto rinopikisa reCitizens Coalition for Change.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaJeremiah Bamu vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vari kumiririra VaSikhala nevamwe vavo vaudza Studio 7 kuti kunyangwe vachuchusi vari kuti vane humbowo hunoroverera VaSikhala nevamwe vavo, vari kukukumbira dare kuti nyaya iyi itange kutongwa musi wa 15 Mbudzi.

VaBamu vati uku kuda kungopfidzisa VaSikhala nevamwe vavo nekuti zviri pachena kuti mapurisa nevachuchusi havana humbowo hwakakwana. VaSikhala, VaSithole vakasungwa nevamwe gumi nevana kutanga musi wa 14 Chikumi nemazuva akatevera.

Mutongi wedare ramejastiriti VaFeresi Chakanyuka vati havangape VaSikhala nevamwe vavo mukana wekubvisa mari yechibatiso nekuti hapana zvachinja kubva pavakatanga kunyimwa mukana uyu nematare.

Mapurisa ari kuvapomera mhosva dzekupesvedzera mhirizhonga mushure mekupondwa kwenhengo yebato ravo Muzvare MoreBlessing Ali kuNyatsime, Chitungwiza.

Kunyangwe vatsigiri veZanu-PF vakabuda pamavhidhiyo vachipesvedzera mhirizhonga mapurisa haana kuvasunga achiti hapana akamhan’ara. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG