Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Vari Pamudyandigere VaBhadharwe neMari yekuAmerica


Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti mari yemudyandigere yawedzerwa nehurumende kuburikidza neNational Social Security Authority kana kuti NSSA haikwani pachitariswa kushaya simba kwedhora remunyika uye mitengo yezvinhu yoramba ichiita chamurambamhuru.

Mutungamiri weZCTU Amai Florence Taruvinga vaudza Studio 7 kuti kuti vari pamudyandigere vakwanise kurarama vanoda madhora mazana maviri nemakumi maviri kana kuti US$250 pamwedzi.

NSSA yaudza bepanhau reSunday Mail kuti yawedzera kutanga mwedzi uno nezvikamu makumi mashanu kubva muzana mari iri kutambirwa nevari pamudyandigere.

Mari dzawedzerwa dziri pasi pePension and other Benefits kana kuti POBS uye Accident Prevention Workers Compensation Scheme kana kuti APWCS. Mari iri pasi pePOBS yawedzerwa kusvika pamadhora zviuru makumi maviri nemana emunyika kana kuti ZWL24 000 kubva pamadhora zviuru gumi nematanhatu kana kuti ZWL16,000.

Mari yeAPWCS yawedzerwa nezvikamu makumi matatu nemapfumbamwe kubva muzana kana kuyi 39% kubva pazviuru makumi maviri nemazana matanhatu kana kuti ZWL21, 600 kusvika pazviuru makumi matatu kana kuti ZWL30 000.

Munyori mukuru wesangano reNational Social Security Trust VaGilbert Shoko vaudzawo Studio 7 kuti mari yawedzerwa nehurumende haikwane.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG