Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoenda Kunorapwa kuZambia


Mutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema

Vamwe vagari vemudunhu reMashonaland West vave kuenda kunorapwa kuZambia uko vanoti vanobhadhara mari shoma asi vachitariswa nanachiremba pamwe nekupihwa mishonga. . Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika panyaya dzezvehutano nekuda kwekuti muzvipatara hamuna mishonga uye vana chiremba nanamukoti vari kugara vachiramwa mabasa nguva dzakawanda.

Mumwe akaenda nemwana wake kunorapwa kuZambia VaLloyd VaMapfumo vanogara kuMagunje.
VaMapfumo vakaenda nemwana wavo kuZambia achirwara nechirwere chekurwadza nekuzvimba kwenhengo yesikarudzi kana kuti Femoral Hernia.
VaMapfumo vanoti vakaenda nemwana wavo kuchipatara cheHarare kuGomo kana asi mwana wavo haana kurapwa kunyange vakabhadhara mari.
Vana mukoti nana chiremba vemubyika vanoti hurumende haisi kuvapa mari dzemihoro dzakavakwanira kuti vararame ivo nemhuri dzavo nekudaro havasi kushanda nemoyo wose uye kuzvipatara hakunawo zvikwanisiro. Bazi rezvehutano rimoti harisi kuwana mari yakakwana mubhajeti kubva kubazi rezvemari.

Nekuda kwematambudziko aya vamwe vagari vekuMashonaland West vave kuenda kunorapwa kunyika yeZambia pachipatara cheMtendere chiri pedyo nemuganhu wenyika mbiri idzi.

Mumwe mudzimai wekuKaroi Amai Marther Gwashure vanoti vakano sunungukira mwana wavo kuZambia sezvo madzimai akawanda vaifirwa nevana vavo pakusununguka pachipatara chemuKaroi.
ACT 3- AMAI GWASHURE
Vakafanobata chigaro chemukuru pachipatara cheMtendere kuZambia mukoti Lina Mwase vaudza Studio 7 kutyi vanhu vakawanda vekuZimbabwe vari kurapwa pachipataraichi.

Mukoti Mwase vanoti vanhu vanosvika chiuru nemazana mashanu nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 1 526 vakarapwa mumwedzi mitatu yekutanga kwegore rino.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti hazvishamise nekuti kudivi reZimbawe kune kiriniki inotungamirwa namukoti asi pamhiri pacho kuZambia kune chipatara chikuru chine madhokotera ane hunyanzvi nekudaro murwere haangafambe
makiromita zana nemakumi matanhatu kuenda kuKaroi kunoonekwa nachiremba.

Dr Masoja vanoti zvakanaka kuti hurumende ivake chipatara paChirundu. Mumiriri weChinhoyi muparamende uye vari chiremba Dr Peter Matarutse vanoti hurumende inofanirwa kuisa mari yakawanda muzvipatara sezvo musina mishonga pamwe nezvikwanisiro.

Chizvarwa cheimwe nyika kana chichida kurapwa muZambia chinobhadhara 100 Kwacha inove madhora matanhatu ekuAmerica.

Kuongororwa nanachiremba munhu anobhadhara 50 Kwacha anove madhora matatu asi achizopihwa mishonga nemapiritsi pamari yekuongororwa nanachiremba iyi.

Vanhu vave kubva kunzvimbo dziri kure dzakaita seChinhoyi, Mhangura, Banket, Chegutu, Kadoma, nedzimwe kuenda kunorapwa kuZambia. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG