Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Yobata Zvikakarara zveMota DzaVaWadyajena Dzange Dzoburitswa muNyika paBeitbridge


VaJustice Mayor Wadyajena
VaJustice Mayor Wadyajena

Bepanhau reHerald rinoti pane motokari mbiri dzemhando yepamusoro soro dzinoti BMW ne imwe ye Lamborghini dzemumiririri weGokwe –Nembudziya mudare reparamende, VaJustice Mayor Wadyajena dzabatwa paBeitbridge dzichida kuendeswa kuSouth Africa. Motokari yeLamborgini iyi inonzi ndeyemari inosvika zviuru mazana mana nemakumi maviri ekuAmerica kana kuti US$420, 000.

VaWadyajena nezuro vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso yemadhora emunyika zviuru mazana maviri kana kuti ZWL200 000 pamhosva yavari kupomerwa yekubiwa kwemari inosvika mamirioni mashanu emadhora ekuAmerica kana US$5 million Studio 7 yayedza kubata VaWadyajena asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi havanawo kudaira nharembozha yedu.

Mutauriri weZIMRA VaFrancis Chimanda vaudza Studio 7 kuti mutemo hauvatenderi kuti vataure nyaya dzevanhu vanobhadhara mitero nekuti kunenge kuri kufukura hapwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG