Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 19, 2022


Shona Headlines

Bazi rezvemari ranyora tsamba richiyambira vakuru vemakambani ehurumende nevanotengesa zvinhu kumakambani aya kuti vachasungwa vakaita zvehuori. Izvi zvinoteverawo imwe yambiro yakapihwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mapurisa opedza mazuva makumi maviri nemaviri asina kusunga mutsigiri weZanu-PF akati mutungamiri weCCC vaNelson Chamisa, mhuri yavo nevatsigir vavo vapondwe kunyangwe vakavimbisa kuferefeta nyaya iyi.

Kunetsana kunotyisa kuri kuenderera mberi pakati pemurongi wemabasa muZanu-PF VaObert Mpofu vachitsigirwa nevasori naVaSiphosami Malunga nevamwe vavo vavari kuita navo mushandirapamwe papurazi reEsidakeni.

Vamwe vekumaruwa ekuHurungwe neKariba vave kuenda kuZambia kunorapwa sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Svondo rino anenge ari makuwerere mumitambo yenhabvu mumakundano eChibuku Super Cup.

Muchirogwa chedu cheLiveTalk tiri kutarisa zviri kuitika kuKenya mushure mesarudzo dzemutungamiri wenyika dzisiri kutambirwa nemumwe akakundwa VaRaila Odinga. Tichatarisawo kuvhurwa kwekambani yeCold Storage Company.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG