Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzira VaKenyatta, VaRuto naVaOdinga Kuti Vatambidzane Masimba Murunyararo


Sen. Chris Coons, vari kuKibera, Kenya
Sen. Chris Coons, vari kuKibera, Kenya

Nhengo yedare reSenate muAmerica VaChris Coons nedzimwe nhengo dzedare iri vari muKenya umo vari kuyedza kubatsira kuti munyika iyi musaite mhirizhonga mushure mesarudzo dzemutungamiri wenyika dzichangobva mukuitwa.

VaWilliam Ruro ndivo vakakunda musarudzo idzi asi mumwe akakundwa VaRaila Odinga vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi.

VaCoons nechikwata chavo vakaita musangano nemutungamiri weKenya ari kusiya basa VaUhuru Kenyatta vakaudza nhepfenyuro yeAssociated Pess kuti vakakurudzira VaKenyatta kuti vabatsire kuti pave nekutambidzanwa masimba murunyararo.'

Vati vakataurawo nezvenzira dzekuti VaKenyatta vangabatsire sei munyaya dzerunyararo muAfrica mushure mekusiya basa.

Kubva zvakaitwa sarudzo musi wa 9 Nyamavhuvhu, VaKenyatta avo vaitsigira VaOdinga havana chavati vataura nezvesarudzo idzi. VaCoons nechikwata chavo vaitawo hurukuro naVaOdinga naVaRuto.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG