Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotenda Kuti Pane Huwori Pakupinza Varairidzi Mabasa


Nhengo dzeparemende hadzisi kufara nehuwori hunonzi huri kuirika pakupinzwa basa kwevarairidzi munyika uyewo dzinoti hurumende inofanira kumbomira kuendesa varairidzi kunyika dzekunze dzakaita seRwanda kusvika zvikoro zvese zvemunyika zvave nevarairidzi vakakwana.

Vachitaura pamusangano waitwa neparamende nevakuru vakuru kubva kumapazi edzidzo yepasi nebazi rezvevashandi nemagariro akanaka nevanhu, sachigaro wekomiti inoona nezvedzidzo yepasi, VaJohnson Madhuku vati nhengo dzeparamende dzine humbowo hwehuwori huri kuitika pakupinzwa basa kwevarairidzi.

VaMadhuku vati zvinoshamaisa kuti vamwe varairidzi vakapedza zvidzidzo zvavo muma2015 kana 2016 havasati vapinda mabasa asi vamwe vakapedza gore rapfuura vatove pabasa.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzatiwo zvino shamisawo kuti hurumende inokoka kubasa vamwe varairidzi vasina magwaro ebasa asi pane zviuru nezviuru zvevarairidzi zvakadzidzira basa zvisina mabasa.

Vatiwo huwori hwese hunoitika muHarare vachiti muguta iri ndimo munopinzwa varairidzi basa asi vakati izvi zvinofanira kuitwa mumatunhu ese munyika uye zvichiitwa zvakajeka.

Nhengo dzeparamende dzaratidzawo kusafara nenyaya yekuti hurumende yeZimbabwe neRwanda dzakatanga bvunzo svondo rino dzekutsvaga varairidzi vachaenda kunoshandira kuRwanda.

Vavakaita saAmai Elina Shirichena nhengo yeZanu-PF kuchikamu chemadzimai kubva kuMidlands vati hurumende ngaitange yaona kuti zvikoro zvese munyika zvave nevarairidzi vakakwana isati yakatange kuendesa varairidzi kunze kwenyika.

Asi vachipindura nhengo dzeparamende idzi, munyori mukuru mubazi rezvevashandi, VaSimon Masanga, vabvuma kuti pane huwori hurikuita asi vakati vari kutora matanho ekupedza dambudziko iri.

VaMasanga vati izvi zvinokonzerwa nenyaya yekuti mabasa aripo mashoma asi asi vanhu vari kuda basa vakawanda.

Vati pari zvino pane varairidzi vakapedza zvidzidzo zviuru gumi nezvina uye gore rino chete Public Service Commission yakapihwa mari yekupinza basa varairidzi zviuru zvishanu chete.

Mukuru anoona nezvevashandi mubazi redzidzo yepasi, VaMaxwell Muguse, vati zvikoro zvese munyika hazvina varairidzi vakwana uye varairidzi vese vane mutoro wakarema.

Vati semuenzaniso pakirasi yeEDC inofanira kunge iine vana makumi maviri asi pari zvino makirasi aya ane vana makumi manomwe kana kudarika.

Vati vese vanoita zvehuwori vanodzingwa kana vachinge vabatwa vakati pari zvino pane mumwe mukuru mubazi ravo kuMatabelenad North akatodzingwa basa nekuti aitora mari dzevanhu vachivimba kuvapinza mabasa.

Panyaya yekuti pane vamwe vakawana basa mushure mekupedza zvidzo gore rapfuura asi vamwe vakapedza kare vachishaya, VaMuguse vati izvi zvinoitika nekuti pane zvimwe zvidzidzo zvakaita seScience neMaths zvisina varairidzi mumatunhu ese munyika.

Panyaya yekuRwanda, VaMasanga vati Zimbabwe ine varairidzi vakawandisa. Vatiwo pane hurongwa hwekuendesa varairidzi kuQatar neAngola.

Vatiwo havaone chakashata pachirongwa ichi vachiti pane zvizvarwa zvedzimwe nyika zvakawanda zviri kushanda muZimbabwe pamwe nezvizvarwa zvemuno zviri kushandawo kune dzimwe nyika.

Mutungamiriri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti zvinorwaradza kuti vanhu vanobvisiswa chioko muhomwe kuti vapinde basa vachiti vese vakadzidzira basa vanofanira kupinzwa basa kuti vana vawane dzidzo yakakwana.

Vatiwo vano bvumira nenhengo dzeparamende kuti zvikoro ngazvive nevarairidzi vakakwana pasati paitwa zvirongwa zvekuendesa vadzidzisi kunze kwenyika.

Bazi rezvehutano rinoti Zimbabwe ine vadzidzi mamiriyoni mana nezviuru mazana matanhatu kana kuti 4, 6 millio. Varairidzi varipo vanonzi vanosvika zviuru zana nemakumi mana kana kuti 140, 000 uye pari kudiwa vamwe varairidzi vatsva zviuru zvina kana kuti 40, 000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG