Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 18, 2022


Shona Headlines

Chirwere chegwirikwiti choramba chichipararira zvakanyanya munyika.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rotsutsumwa nekwavanoti kunyimwa kubvisa mari yechibatiso kwevanhu gumi nevatanhatu vakasungwa nezvenyaya yemhirizhonga kuNyatsime munaChivabvu.

Nhengo yeZanu-PF VaJustice Mayor Wadyajena vomiswa pamberi pedare pachikumbiro chavo chekuti vapihwE mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa nevamwe yekuita huwori pamari inosvika mamiriyoni mashanu.

Bazi rezvevashandi rotenda kuti panogona kunge paine huwori huri kuitika mukupihwa basa kwevarairidzi uye nyika yave kuendesawo vamwe varairidzi kuRwanda, ichitarisirawo kuendesa vamwe kuAngola neQatar.

Ongororo yakaitwa neMass Public Opinion Institute inoti nyaya yemhirizhonga yakanangana nemadzimai inodanira kugadziriswa sezvo yakomba munyika.

Tichazeyawo nezvenyaya yekongiresi yeZanu-PF iri kutarisirwa kutanga mukupera kwaGumiguru.

SADC yotarisirwa kupeta musangano wayo wevatungamiri venyika kuDRC nhasi.

Muchirongwa chedu cheWomen’s Round Table na 8pm, tiri kuenderera mberi tichiita hurukuro nenyaya yesarudzo dzemuKenya idzo dzoita mutauro wakanyanya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG