Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votaura Kekutanga paNyaya yaMuzvare Susan Mutami Vachiti Zanu-PF Iri Kuvazora Mafuta eNguruve Yavasina Kudya


Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa nhasi vaita musangano nevatsigiri vavo kuMucheke Stadium kuMasvingo uko vataurawo kekutanga nezvenyaya yaMuzvare Susan Mutami avo vari kupomeramutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mhosva yekuvabata chibharo vaine makore gumi nemashanu

VaChamisa vati vebato reZanu-PF vari kuda kusvibisa zita ravo nekuvanenera kuti ndivo vakati Muzvare Mutami vapomere VaMnangagwa mhosva. Muzvare Mutami vakatomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuAustralia ayo akati ave kushanda nemamawe masangano kuti vaiferefete.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi ndivo vakaudza vatori venhau kuti Muzvare Mutamo vainge vachishandiswa neveCCC. Asi Muzvare Mutami vakati kutaura nezvaVaChamisa neCCC kuda kungovasvibisa.

VaChamisa vatiwo havasi kuzomanikidzwa kuita zvemhirizhonga nevanhu vari kuti vanofanira kupinda mumigwagwal vachiratidzira. Vatiwo mauto, mapurisa nevasori ndevenika kwete bato sezvinotaurwa neveZanu-PF.

VaChamisa vakatiwo hutungamiri hunodzikamisa hupfumi vachipa muenzaniwo wezviri kuitika kuZambia kibva zvakasarudzwa VaHaikende Hichilema kutungamira nyika iyi. Asi vachinyora muSunday Mail, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa vati hupfumi hwenyika hwave kuvandudzika.

Vati vose vavari kupomera mhosva yekukanganisa hupfumi kusanganisira vamwe vakuru vemakambani ehurumende vachakandwa mujeri. Vatiwo zvinhu zviri kutengeswa kunze kwenyika zviri kuramba zvichiwanda zvinoratidza kuti nyika iri mugwara rakanaka.

Mapurisa afumo bata jongwe muromo chipinda mumugwagwa pedyo nenhandare yeMucheke zvanzi nevamwe vanopikisa kwange kuri kuda kuyedza kutyisidzira vanhu.

Musangano wange uchida kuitwa neCCC kuManicaland wakarambidzwawo nemapurisa. Mimwe misangano yebato iri muHarare, Gokwe, Marondera nedzimwe nyika yakarambidzawo nemapurisa.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG