Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu 12, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura musangano wevatongi vematare weRegional Judicial Services Conference neZimbabwe Economic Development Conference 2022, iyo iri kuitirwa kuVictoria Falls vachiti zvirongwa zvehurumende yavo zvakanangana nekusimudzira budiriro nekuwedzera zvigadzirwa nekutengeserana zvinofanirwa kusimbiswa nekusimbiswa kwemitemo yeCompetition Act neConsumer Protection Act.

Vanhu vemuKenya vachiri vakamirira zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika izvo zviri kuramba zvakaita mangange pakati paVaWilliam Ruto naVaRaila Odinga.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinokwira kudare repamusoro reHigh Court zvechimbichimbi richida kuti dare rirase danho remapurisa rekurambidza nhengo dzesangano iri kuenderera mberi nekuratidzira kwanga kwakarongwa kuitwa nhasi.

Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, rinozivisa kuti richaparura mapeni egoridhe madiki muna Mbudzi ayo achange achitengeswa nemari iri pasi kuitira kuti vanhu vose vakwanise kutenga mapeni aya.

Nhasi pasi rose rinocherechedza zuva revechidiki, kana kuti International Youth Day.

Gadziriro yemwaka wefodya mutsva inonzi yave pachinhanho chepamusoro kunyange hazvo varimi vakawanda vari kuchemachema nekukwira kwemitengo yezvikwanisiro.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8 pm, nhasi tiri kuenderera mberi nekutarisa zviri kubuda musarudzo dzekuKenya. Tichataurawo nezvezuva revechidiki International Youth Day.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG