Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vange Vari kuKenya Vanoti Zimbabwe Ine Zvakawanda Zvekudzidza paNyaya yeSarudzo


Mutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta vaine vari kukwikwidza musarudzo VaWilliam Ruto anaVaRaila Odinga
Mutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta vaine vari kukwikwidza musarudzo VaWilliam Ruto anaVaRaila Odinga

Kunyangwe vanhu vemuKenya vachiri vakamirira zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika, mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaTendai Biti vanoti Zimbabwe ine zvakawanda zvekudzidza kubva kunyika iyi.

VaBiti vadzoka kumusha nhasi vange vachiongorora sarudzo idzi pamwe nevamwe vemasangano akazvimirira oga munyika. VaBiti vati sangano rinoona nezvesarudzo munyika iyi reElectoral and Boundaries Commission range richiratidza kuti rinoshanda rakazvimirira.

Vati izvi ndizvo zvinopa kuti vanhu vatambire zvinenge zvabuda musarudzo kwete zvinoitwa nekomisheni inoona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

VaBiti vati ZEC inotoshanda kunge bazi reZanu-PF. Asi sachigaro weZEC amai Priscilla Chigumba vanoramba kuti vanorerekera divi ukuwo Zanu-PF ichiti veCCC havadi kukundwa sarudzo.

Zviri kubuda musarudzo zviri kuratidza kuti achiri mangange chaiwo pakati paVaWilliam Ruto naVaRaila Odinga. Vanoona nezvesarudzo munyika iyi veIndependent Electoral and Boundaries Commission vange vavimbisa kuti vachazivisa zvakabuda musarudzo nhasi sezvokune dzimwe nzvimbo sarudzo dzakanonoka kutanga.

VaBiti vati havo chavasina kufarira inyaya yekuita zvemarudzi musarudzo dzekuKenya idzi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG