Accessibility links

Breaking News

VaShava Voshorwa neVamwe paNyaya yeKuti Zimbabwe Yakagadzirira Kutambira Vanenge Vadzingwa kuSouth Africa


Mutungamiri wenyika yeSouth Afriva VaCyril Ramaphosa nemutungamiri weZimbawe VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika yeSouth Afriva VaCyril Ramaphosa nemutungamiri weZimbawe VaEmmerson Mnangagwa

Makurukota anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava vemuZimbabwe naAmai Naledi Pandor vekuSouth Africa vaita musangano wekudyidzana nhasi muPretoria pange pachitaurwao nyaya yezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvine magwaro ekushanda akasvika kumagumo.

VaShava vanonzi nenhepfenyuro yeSABC News vati Zimbabwe yakagadzirira kutambira zvizvarwa zvayo zvine mapepa eZimbabwe Exemption Permits kana kuti ZEP akasvika kumagumo aya.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro aya zvinoda kusvika zviuru mazana maviri kana kuti 200, 000. Kana pasina chachinja zvichatanga kudzoserwa kumusha muna Zvita.

Asi mukuru munyaya dzekufambiswa kwemabasa musangano reSouthern African Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti VaShava vaifanira kutanga vataura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi kana masangano anorwira kodzero dzevanhu kuti vanzwe pfungwa dzavo pane kungoti vakagadzirira kuvagamuchira kumusha.

Mumashoko kuvatori venhau, bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa rinoti vaviri ava vari kutarisirwawo kuzeya nyaya yechibvumirano chekudyidzana kana kuti Bi-National Commission.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG