Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Nyamavhuvhu 10, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Consumer Council of Zimbabwe inoti kudzikama kwedhora remunyika kwemavhiki maviri adarika kwapa kuti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu idzikire nemadhora anodarika mazana manomwe nemakumi maviri kana kuti ZWL732.37.

Nhasi Studio 7 iri kuita hurukuro nemumwe mudzimai akapiswa kumeso nemuchetura weacid mushure mekunetsana nemurume wake.

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vokurudzira hurumende kuti ibvumidze zvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika kuti zvivhote sezvakaitika kuKenya nezuro.

Meya weChitungwiza VaLovemore Maiko vanoti hurumende inofanira kurumura guta ravo kubva mukuwaniswa mvura neguta reHarare.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa kusimudzwa zvakare kwezwi rekurudziro yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviwaniswewo mukana wekuvhota zviri kunyika kwazvigere zvichitevera kuwaniswa kwemukana mumwecheteyo kuvana veKenya vari kumhiri kwemakungwa avo vakavhota kekutanga nezuro vari munyika dzavari.

Muchirongwa chedu cheLive Talk Diaspora Forum na 8 pm nhasi. Tiri kutarisa sarudzo dzekuKenya uko kune zvizvazrwa zvenhyika iyi zviri kunze kwenyika zvakakwanisa kuvhota uye kuvhota kekutanga kwevamwe verudzo rweChishona vakatamira kunyika iyi kare kare vakavhota kekutanga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG