Accessibility links

Breaking News

PaZuva reMauto, VaMnangagwa Vokurudzira Runyararo Vanopikisa Vachiti Pamuromo Chete


Zimbabwe President and VP Chiwenga 2
Zimbabwe President and VP Chiwenga 2

Mutungamiri we nyika, varizve mukuru wemauto VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatungamira mhemberero dzezuva rekucherechedza mauto enyika reDefence Forces Day kuNational Sports Stadium. Evans Zininga anotipa nyaya inotevera.

VaMnangagwavakurudzira mauto ange akaungana pagungano iri kuti vanofanira kuchengetedza runyararo pamberi pesarudzo dza2023.

VaMnangagwa vatiwo mauto akashanda mukurwisa chirwere cheCovid-19. Vanokokera nhengo dzenhengo dzebato reZanu-PF mudare reparamende VaPupuirai Togarepi vatu mauto anofanira kuremekedzwa nebasa guru raanobata.

VaMnangagwa varumbidzawo Major Winnet Zharare vakapihwa mubairo neUnited Nations nemabasa avakabata kuSouth Sudan.

Mukuru wesangano reWomen's Academy for Leadership and Political Excellence WALPE, Muzvare Sithabile Dhewa vanoti vanodzivirira nyika vanobata basa guru mukugadzikana kwenyika asi vakati shungu dzavo ndedzekuona madzimai achiwana mikana mune zvematongerwo enyika.

Sachigaro werimwe sangano rinowrira kodzero dzevanhu rethe Zimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vanoti mauto ari kupembererwa zvawo asi mamwe acho ari kushandiswa kumbunyikidza, kurova nekutyora kodzero dzevanhu munyika.

Mauto akapomerwa mhosva yekupfura nekuuraya vanhu vanosvika makumi maviri nevanomwe muna Nyamavhuvhu gore ra 2018 na Ndira 2019. Izvi zvichiri mundangariro dzevakawanda.

Mhemberero dzanhasi dzapetwa nemutambo we nhabvu pakati pechikwata chemauto eZimbabwe neeku Botswana. Veruzhinji vanga vachitsikiriranawo pakugovewa kwechikafu chapihwa vauya kumabiko aya, vamwe vachiti vakawanda vauya nekuda kwekuti pane kudya kwemahara.

Mutungamiri we nyika, varizve mukuru wemauto VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatungamira mhemberero dzezuva rekucherechedza mauto enyika reDefence Forces Day kuNational Sports Stadium.

VaMnangagwavakurudzira mauto ange akaungana pagungano iri kuti vanofanira kuchengetedza runyararo pamberi pesarudzo dza2023.

VaMnangagwa vatiwo mauto akashanda mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Vanokokera nhengo dzenhengo dzebato reZanu-PF mudare reparamende VaPupuirai Togarepi vatu mauto anofanira kuremekedzwa nebasa guru raanobata.

VaMnangagwa varumbidzawo Major Winnet Zharare vakapihwa mubairo neUnited Nations nemabasa avakabata kuSouth Sudan.

Mukuru wesangano reWomen's Academy for Leadership and Political Excellence WALPE, Muzvare Sithabile Dhewa vanoti vanodzivirira nyika vanobata basa guru mukugadzikana kwenyika asi vakati shungu dzavo ndedzekuona madzimai achiwana mikana mune zvematongerwo enyika.

Sachigaro werimwe sangano rinowrira kodzero dzevanhu rethe Zimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vanoti mauto ari kupembererwa zvawo asi mamwe acho ari kushandiswa kumbunyikidza, kurova nekutyora kodzero dzevanhu munyika.

Mauto akapomerwa mhosva yekupfura nekuuraya vanhu vanosvika makumi maviri nevanomwe muna Nyamavhuvhu gore ra 2018 na Ndira 2019. Izvi zvichiri mundangariro dzevakawanda.

Mhemberero dzanhasi dzapetwa nemutambo we nhabvu pakati pechikwata chemauto eZimbabwe neeku Botswana. Veruzhinji vanga vachitsikiriranawo pakugovewa kwechikafu chapihwa vauya kumabiko aya, vamwe vachiti vakawanda vauya nekuda kwekuti pane kudya kwemahara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG